1
Jakobho 4:7
KoreKore Bible Translation
KBT
Zviisei ndipo pasi paMwari. Dzivisai jabhurosi, kuti akutizei.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Jakobho 4:8
Nyedzai papfupi naMwari iye achanyedzawo kwamuri. Shambai manja yenyu, imi vatadzi, chenesai mwoyo yenyu, imi vomufungo miviri.
3
Jakobho 4:10
Zvininipisei pamberi paIshe, iye achakukwiridzirai.
4
Jakobho 4:6
Asi anopasa mutsa dzidowanda. Ndokusaka gwaro richiti, “Mwari anopikisana novanozvikudza, asi anopasa mutsa anozvininipisa.”
5
Jakobho 4:17
Uyo wese anoziva zvidonaka zvaanofanira kuita akareka kuzviita, nyhitema kwaari.
6
Jakobho 4:3
Pamunokumbira hamutambire, ndava hamukumbirire buya, kundoda kuzvifadza nazvo.
7
Jakobho 4:4
Imi mhombo dzovanhu, munozivaba nai kuti ushamwari nonyika kuita mhandu yaMwari? Saka wese anoda kuva shamwari yonyika anozviita muvengi waMwari.
8
Jakobho 4:14
Apa munozivaba zvichaitika mangwana. Upenyu hwenyu chiiko? Muri mhute inooneka nguwa ipfupipfupi yonyangarika.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo