Ichagarwa; haichazoparadzwizve. Jerusarema richachengetedzeka. Iri ndiro denda Jehovha raacharova naro ndudzi dzose dzakarwisa Jerusarema: Nyama yavo ichaora vachakamira namakumbo avo, maziso avo achaorera mumakomba awo, uye rurimi rwomumwe nomumwe wavo ruchaorera mumukanwa make. Pazuva iroro varume vacharohwa naJehovha nokutya kukuru. Murume mumwe nomumwe achabata ruoko rwomumwe wake, vagorwisana. Judhawo icharwa paJerusarema. Upfumi hwendudzi dzose dzakakomberedza Jerusarema huchatorwa, goridhe rakawanda, sirivha yakawanda nenguo zhinji. Denda rakafanana nairori richarova mabhiza namanyurusi, ngamera nembongoro, uye nezvipfuwo zvose zviri mumisasa iyoyo. Ipapo vachararama kubva kundudzi dzose dzakarwisa Jerusarema vachaenda gore negore kundonamata Mambo, Jehovha Wamasimba Ose, uye nokundopemberera Mutambo waMatumba. Kana marudzi ose avanhu vapanyika akasaenda kuJerusarema kundonamata Mambo, Jehovha Wamasimba Ose, mvura hainganayi munyika dzavo. Kana vaIjipita vakasaenda uye vakasandonamatawo, mvura hainganayi munyika yavo. Jehovha achauyisa denda pamusoro pavo, denda raanorova naro ndudzi dzisingaendi kundopemberera Mutambo waMatumba. Ichi ndicho chichava chirango cheIjipiti uye nechirango chendudzi dzose dzisingaendi kundopemberera Mutambo waMatumba. Pazuva iroro pamabhero amabhiza pachanyorwa kuti, UTSVENE KUNA JEHOVHA, uye hari dzokubikira dziri mumba maJehovha dzichafanana nembiya tsvene dziri pamberi pearitari. Hari imwe neimwe iri muJerusarema nomuJudha ichava tsvene kuna Jehovha Wamasimba Ose, uye vose vachauya kuzobayira vachatora dzimwe hari vagodzibikira. Uye pazuva iro hakuchazovazve nomuKenani muimba yaJehovha Wamasimba Ose.
Verenga chikamu Zekaria 14
Terera ku Zekaria 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zekaria 14:11-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo