Richange rakagarwa navanhu risisina zvokutsaurirwa kuparadzwa. Jerusaremu richagara murunyararo. Iri ndiro denda richapiwa naTENZI kuvanhu vanozoita hondo neJerusaremu: Nyama yavo ichaora ivo vachiri kufamba. Maziso avo achaora mumahobi avo uye rurimi rwavo ruchaora mukanwa mavo. Panguva iyoyo TENZI achapazamisa vanhu musoro zvokuti munhu achangoti ruoko rwomumwe ndu–u mumwewo iyeyo ruokowo runenge rwatova mudenga kare rwokurwisana naye. Judha chaiyo icharwisana neJerusaremu. Upfumi hwamarudzi akatenderedza ose huchaunganidzwa hunoti ndarama nesirivha namatutu–matutu ezvokupfeka. Denda rimwechetero richawirawo mabhiza namanyurusi nengamera namadhongi nedzimwewo mhuka dzingange dziri pamatendhe iwayo. Ipapo vanenge vasara pamarudzi ose anouya kuzorwisa Jerusaremu, munhu wose achaenda kuJerusaremu kundonamata Mambo, TENZI wehondo nehondo uye kuzochengeta mazuva makuru amatumba. Kana imwe mhuri yapanyika pano ikarega kuenda kuJerusaremu kundonamata Mambo TENZI wehondo nehondo, hainairwe nemvura. Kana mhuri yeIjipiti isina kuenda kundoshanya ikoko haichawirwi nenhamo inopiwa naTENZI mamwe marudzi anorega kuenda kundochengeta mazuva makuru amatumba. Ichochi ndicho chichava chirango cheIjipiti uyewo chirango chamarudzi ose asingaendi kundochengeta mazuva makuru amatumba. Panguva iyoyo madare anorira amabhiza anenge akanyorwa kunzi, “Zvinoera zvaTENZI.” Poto dzomumba maTENZI dzichange dzakangoita sendiro dziri pamberi peatari. MuJerusaremu nomaJudha, poto iri yose zvayo inenge iri inoera yaTENZI wehondo nehondo. Uku kunenge kuri kuitira kuti vanoda kupira chibayiro vanogona kuuya vachidzitora vachibikira nyama yechibayiro madziri. Hapazofanira kuva nomunhu anoita mhindu dzokutengesa mumba yaTENZI wehondo nehondo pazuva iroro.
Verenga chikamu Zekariya 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zekariya 14:11-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo