Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zekariya 14:11-21

Zekariya 14:11-21 SNA2002

Vanhu vachagaramo; kutukwa hakungazovipo, asi Jerusaremu richagara rakachengetwa. Uku ndiko kurova Jehovha kwaacharova nako ndudzi dzose dzavanhu vakarwa neJerusaremu, nyama yavo ichaora vamire namakumbo avo, meso avo achaorera mumakomba awo, norurimi rwavo ruchaorera mumiromo yavo. Zvino nezuva iro kunyonganiswa kukuru kunobva kuna Jehovha kuchavapo pakati pavo; mumwe nomumwe achabata ruoko rwowokwake, uye ruoko rwake ruchasimudzirwa ruoko rwowokwake. Judha vacharwawo paJerusaremu; pfuma yendudzi dzose dzavanhu vakapoteredza ichaunganidzwa, inoti ndarama, nesirivha, nenguo, zvizhinji kwazvo. Sezvakaita kurohwa uku, ndizvo zvichaitawo kurohwa kwamabhiza namahesera, nengamera, nembongoro, nezvipfuwo zvose zvichavapo pamisasa iyo. Zvino vose vakasara vendudzi dzose dzakarwa neJerusaremu, vachakwira gore rimwe nerimwe kundonamata Mambo, iye Jehovha wehondo, nokutamba mutambo wamatumba. Ani naani pamarudzi enyika asingakwiri Jerusaremu kundonamata Mambo, Jehovha wehondo, haanganisirwi mvura. Kana rudzi rwavaIjipiti rusingakwiri, vakasasvikapo, naivo vachavingwa nokurohwa Jehovha waacharova nako ndudzi dzavanhu dzinoramba kukwira kundotamba mutambo wamatumba. Uku ndiko kurohwa kwavaIjipiti nokurohwa kwendudzi dzose dzinoramba kukwira kundotamba mutambo wamatumba. Nezuva iro pamatare anorira amabhiza pachanyorwa, pachiti, “ZVITSVENE KUNA JEHOVHA;” nehari dziri mumba maJehovha dzichafanana nembiya dziri pamberi pearitari. Zvirokwazvo, hari imwe neimwe paJerusaremu napaJudha ichava tsvene kuna Jehovha wehondo; vose vanoda kubayira vachauya vachidzitora, kuzobikiramo; nezuva iro hapachazovi nomuKanani mumba maJehovha wehondo.

Verenga chikamu Zekariya 14