Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaRoma 7:4-8

VaRoma 7:4-8 BDSC

Saka, hama dzangu, nemiwo makafa kumurayiro kubudikidza nomuviri waKristu, kuti muve vomumwe, kuna iye akamutswa kubva kuvakafa, kuitira kuti tigobereka chibereko kuna Mwari. Nokuti panguva yataitongwa nenyama, kuchiva kwechivi kwakamutswa nomurayiro kwaibata mumiviri yedu, kuti tibereke chibereko chorufu. Asi zvino, nokufa kune izvo zvakanga zvakatisunga, takasunungurwa kubva pamurayiro kuitira kuti tishumire nenzira itsva yoMweya, uye kwete nenzira yakanyorwa yekare. Zvino tichatiiko? Murayiro chivi here? Kwete! Zvirokwazvo ndingadai ndisina kuziva kuti chivi chii dai murayiro wakanga usipo. Nokuti ndingadai ndisina kuziva kuti kuchiva chii kudai murayiro usina kuti, “Usachiva.” Asi chivi, chakawana mukana kubudikidza nomurayiro, chakaita mandiri mitoo yose yokuchiva. Nokuti kunze kwomurayiro, chivi chakafa.