Varoma 7:4-8
Varoma 7:4-8 SNA2002
Saka, hama dzangu nemiwo makaitwa vakafa kumurayiro nomuviri waKristu; kuti muve womumwe, iye akamutswa muvakafa, kuti tiberekere Mwari zvibereko. Nokuti panguva iyo tichiri munyama, kuchiva kwezvivi, kwakamutswa nomurayiro, kwakabata mumitezo yedu kuti kubereke zvibereko zvinoisa kurufu. Asi zvino takasunungurwa pamurayiro, takafa kuna izvozvo zvatakanga takasungwa nazvo; naizvozvo tinobatira Mwari nomweya mutsva, tisingabatiri nezvakanyorwa zvakare. Zvino tichatiiko? Murayiro zvivi here? Haisva! Asi handizaiziva zvivi kana murayiro usaivapo; nokuti handizaiziva kuchiva, kana murayiro usina kuti, “Usachiva;” zvino zvivi zvakawana nzira nomurayiro, zvikaita mandiri mitoo yose yokuchiva; nokuti kunze kwomurayiro zvivi zvakafa.

