Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 7:4-8

Varoma 7:4-8 SCLB

Saizvozvowo, hama dzangu, imi pamusana pokuva vamwe nomuviri waJesu, kumutemo muri vanhu vakafa, kuti muve womumwe, iye akamutswa kuvakafa kuti tiberekere Mwari muchero. Chinondidariso ndechokuti paya pataigara upenyu hwenyama, havi dzedu dzoutadzi dzaishanda munhengo dzedu dzichimutswa nomutemo kuti tiberekere rufu muchero. Asi iye zvino takasunungurwa kumutemo. Kune chinhu chiya chakanga chakatibata uranda, tave vanhu vakafa, zvokuti hatichashanda tiri pasi pomutemo wakare wakanyorwa asi muupenyu hutsva hwaMweya. Zvino toti kudiiko? Toti here mutemo chitadzo? Kwete. Asiwo dai pasina mutemo, ndingadai ndisina kumboziva chinonzi chitadzo. Ndingadai ndisina kumboziva chinonzi kuchiva dai kuri kuti mutemo hauna kuti, “Usachive.” Asi chitadzo chakawana mukana mumutemo wokumutsa nawo mandiri nzira dzose dzokuchiva nadzo. Pasina mutemo, chitadzo chakafa.

Verenga chikamu Varoma 7