VaRoma 11:26-29
VaRoma 11:26-29 BDSC
Naizvozvo Israeri yose ichaponeswa, sezvazvakanyorwa zvichinzi: “PaZioni pachabuda musununguri; achabvisa kusada Mwari kuna Jakobho. Uye iyi ndiyo sungano yangu navo kana ndabvisa zvivi zvavo.” Kana zviri zvevhangeri, ivo vavengi nokuda kwenyu; asi kana kuri kusanangurwa, vadikanwi nokuda kwamadzibaba, nokuti zvipo zvaMwari nokudana kwake hazvishandurwi.

