Varoma 11:26-29
Varoma 11:26-29 SNA2002
naizvozvo rudzi rwose rwavaIsiraeri ruchaponeswa; sezvazvakanyorwa zvichinzi, “PaZioni pachabuda Musununguri; Achabvisa kusada Mwari kuna Jakobho; Iyi ndiyo sungano yangu navo, Musi wandichabvisa zvivi zvavo.” Kana iri Vhangeri, ivo vavengi vaMwari nokuda kwenyu; asi kana kuri kutsanangurwa, vadikanwi nokuda kwamadzibaba. Nokuti zvipo zvaMwari nokudana kwake hazvishandurwi.

