VaRoma 11:26-29
VaRoma 11:26-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo Israeri yose ichaponeswa, sezvazvakanyorwa zvichinzi: “PaZioni pachabuda musununguri; achabvisa kusada Mwari kuna Jakobho. Uye iyi ndiyo sungano yangu navo kana ndabvisa zvivi zvavo.” Kana zviri zvevhangeri, ivo vavengi nokuda kwenyu; asi kana kuri kusanangurwa, vadikanwi nokuda kwamadzibaba, nokuti zvipo zvaMwari nokudana kwake hazvishandurwi.
VaRoma 11:26-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
naizvozvo rudzi rwose rwavaIsiraeri ruchaponeswa; sezvazvakanyorwa zvichinzi, “PaZioni pachabuda Musununguri; Achabvisa kusada Mwari kuna Jakobho; Iyi ndiyo sungano yangu navo, Musi wandichabvisa zvivi zvavo.” Kana iri Vhangeri, ivo vavengi vaMwari nokuda kwenyu; asi kana kuri kutsanangurwa, vadikanwi nokuda kwamadzibaba. Nokuti zvipo zvaMwari nokudana kwake hazvishandurwi.
VaRoma 11:26-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo Isiraeri yose ichaponeswa sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Mununuri achabva kuZioni achaparadza kusanamata Mwari kose muna Jakobho. Ichochi ndicho chichava chitenderano changu navo kana ndabvisa zvitadzo zvavo.” Pane zveShoko Rakanaka, imhandu dzaMwari kuitira imi, asi pane zvokusarudzwa ndavapamwoyo, pamusana pamadzitateguru avo nokuti zvipo zvaMwari nokudaidza kwake ipfirapo.
VaRoma 11:26-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
naiɀoɀo rudzi rwose rwaʋaIsraeri rucaponeswa; seɀaɀakanyorwa ɀicinzi: PaZioni pacaɓuɗa Musunuŋguri; Ucabvisa kusaɗa‐Mŋari kunaJakobo; Iyi ndiyo suŋgano yaŋgu naʋo, Musi wandicabvisa ɀiʋi ɀaʋo. Kana iri Evaŋgeri, iʋo ʋaʋeŋgi ʋaMŋari nokuɗa kwenyu; asi kana kuri kusanaŋgurwa, ʋaɗikanwa nokuɗa kwamadziɓaɓa. Nokuti ɀipo ɀaMŋari nokuɗana kwake haɀishandurwi.
VaRoma 11:26-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)