Nokuti akagamuchira kukudzwa nokubwinya kwakabva kuna Mwari Baba pakauya inzwi kwaari richibva kudenga mukubwinya kukuru richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, wandinoda; wandinofarira kwazvo.” Isu pachedu takanzwa inzwi iri rakabva kudenga patakanga tinaye mugomo dzvene. Uye tine shoko ravaprofita rakasimba kwazvo, uye muchaita zvakanaka kuti muriteerere, rakaita sechiedza chinovhenekera murima, kusvikira utonga hwatsvuka uye nyamasase ichibuda mumwoyo yenyu. Pamusoro pazvo zvose, munofanira kunzwisisa kuti hakuna chiprofita choRugwaro chakauya nokungodudzira kwomuprofita pachake oga.
Verenga chikamu 2 Petro 1
Terera ku 2 Petro 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Petro 1:17-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo