nokuti paakapiwa rukudzo nembiri naMwari Baba izwi rakauya kwaari richibva mukupenya kukuru richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wapamwoyo wandinofadzwa naye zvikuru.” Takanzwa izwi iri richibva kudenga nokuti takanga tinaye pagomo rinoera riya. Naizvozvo tine shoko rechiporofita rakanyatsosimbisiswa. Zviri nani kwamuri kuriteerera semwenje unovheneka munzvimbo ine rima kusvikira zuva rabuda uye hweva yabuda mumwoyo menyu. Pakutanga munofanira kunzwisisa izvi zvokuti hakuna chiporofita chaMagwaro Matsvene, munhu chaanga dudzire sokuda kwake
Verenga chikamu 2 Pita 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Pita 1:17-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo