2 Petro 1:17-20
2 Petro 1:17-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti akagamuchira kukudzwa nokubwinya kwakabva kuna Mwari Baba pakauya inzwi kwaari richibva kudenga mukubwinya kukuru richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, wandinoda; wandinofarira kwazvo.” Isu pachedu takanzwa inzwi iri rakabva kudenga patakanga tinaye mugomo dzvene. Uye tine shoko ravaprofita rakasimba kwazvo, uye muchaita zvakanaka kuti muriteerere, rakaita sechiedza chinovhenekera murima, kusvikira utonga hwatsvuka uye nyamasase ichibuda mumwoyo yenyu. Pamusoro pazvo zvose, munofanira kunzwisisa kuti hakuna chiprofita choRugwaro chakauya nokungodudzira kwomuprofita pachake oga.
2 Petro 1:17-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti iye akapiwa kukudzwa nokubwinya naMwari, Baba, panguva iya, yakauya izwi rakadai kwaari, richibva kukubwinya kukuru-kuru, richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu anodikanwa, wandinofarira.” Izwi iri takarinzwa isu, richibva kudenga, nguva yatakanga tinaye mugomo dzvene. Uye tine shoko rouporofita rakasimba kwazvo, ramunoita zvakanaka kana muchiriteerera, rakaita somwenje unovhenekera mune rima, kusvikira utonga huchitsvuka, nenyamasase ichibudira mwoyo yenyu; muchiziva pakutanga, kuti hakuna uporofita hworugwaro hunongodudzirwa nomunhu
2 Petro 1:17-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti paakapiwa rukudzo nembiri naMwari Baba izwi rakauya kwaari richibva mukupenya kukuru richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wapamwoyo wandinofadzwa naye zvikuru.” Takanzwa izwi iri richibva kudenga nokuti takanga tinaye pagomo rinoera riya. Naizvozvo tine shoko rechiporofita rakanyatsosimbisiswa. Zviri nani kwamuri kuriteerera semwenje unovheneka munzvimbo ine rima kusvikira zuva rabuda uye hweva yabuda mumwoyo menyu. Pakutanga munofanira kunzwisisa izvi zvokuti hakuna chiporofita chaMagwaro Matsvene, munhu chaanga dudzire sokuda kwake
2 Petro 1:17-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti iye wakapiwa kukudzwa nokubginya naMŋari, Ƃaɓa, paŋguʋa iya, yakaʋuya inzwi rakaɗai kwaari, ricibva kukubginya kukuru‐kuru, riciti: Uyu ndiye Mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa, wandinofarira. Inzwi iri takarinzwa isu, ricibva kuɗeŋga, ŋguʋa yatakaŋga tinaye mugomo dɀene. Ʋuye tineshoko roʋuprofita rakasimba kwaɀo, ramunoita ɀakanaka kana muciriterera, rakaita somŋenje unovenekera munerima, kuȿikira ʋutoŋga bgucitȿuka, nenyamasase iciɓuɗira mŋoyo yenyu; muciziʋa pakutaŋga, kuti hakunoʋuprofita bgorugwaro bgunoŋgoɗudzirwa nomunhu
2 Petro 1:17-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)