Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 122:1-9

Nziyo 122:1-9 SCLB

Ndakafara pavakanditi, “Handei kuimba yaTENZI.” Zvino tsoka dzedu dzatsika pamisuo yako iwe Jerusaremu Jerusaremu yakavakwa seguta rakabatana, rakasungana pamwechete. Ndiko kunokwira marudzi, marudzi aTENZI sokutemwa kwazvakaitirwa Isiraeri kundotenda zita raTENZI. Imomo ndimo makagadzikwa zvigaro zvokutongera, zvigaro zvoumambo zvemba yokwaDhavhidhi. Kumbirirai Jerusaremu rugare, vanokuda ngavabudirire. Murusvingo rwako ngamuve norugare uye kubudirira kuve mumuzinda yako. Pamusana pehama dzangu neshamwari dzangu ndinoti, “Rugare ngaruve mauri.” Pamusana pemba yaTENZI Mwari wedu ndinonamata kuti zvikufambire zvakanaka.

Verenga chikamu Nziyo 122