Ndakafara panguva yavakati kwandiri, “Hendei kumba kwaJehovha.” Tsoka dzedu dzimire Pakati pamasuo ako, Jerusaremu; Jerusaremu, iwe wakavakwa Seguta rakasanganiswa zvakanaka; Ndiko kunokwira ndudzi, ndudzi dzaJehovha, Sezvakarairwa Isiraeri, Kuti vavonge zita raJehovha. Nokuti ndiko kwakagadzwa zvigaro zvokutonga, Zvigaro zvoushe zveimba yaDhavhidhi. Kumbirirai Jerusaremu rugare; Vanokudai, vachakomborerwa. Rugare ngaruve mukati mamasvingo ako, Nokufarikana mukati medzimba dzako dzohushe. Nokuda kwehama dzangu neshamwari dzangu, Ndichati zvino, “Rugare ngaruve mukati mako.” Nokuda kweimba yaJehovha Mwari wedu Ndichakutsvakira zvakanaka.
Verenga chikamu Mapisarema 122
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 122:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo