Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 122:1-9

Mapisarema 122:1-9 SNA2002

Ndakafara panguva yavakati kwandiri, “Hendei kumba kwaJehovha.” Tsoka dzedu dzimire Pakati pamasuo ako, Jerusaremu; Jerusaremu, iwe wakavakwa Seguta rakasanganiswa zvakanaka; Ndiko kunokwira ndudzi, ndudzi dzaJehovha, Sezvakarairwa Isiraeri, Kuti vavonge zita raJehovha. Nokuti ndiko kwakagadzwa zvigaro zvokutonga, Zvigaro zvoushe zveimba yaDhavhidhi. Kumbirirai Jerusaremu rugare; Vanokudai, vachakomborerwa. Rugare ngaruve mukati mamasvingo ako, Nokufarikana mukati medzimba dzako dzohushe. Nokuda kwehama dzangu neshamwari dzangu, Ndichati zvino, “Rugare ngaruve mukati mako.” Nokuda kweimba yaJehovha Mwari wedu Ndichakutsvakira zvakanaka.