Mapisarema 122:1-9
Mapisarema 122:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndakafara pavakati kwandiri, “Handei kumba yaJehovha.” Tsoka dzedu dzimire mukati mamasuo ako, iwe Jerusarema. Jerusarema rakavakwa seguta rakapakata kwazvo. Ndiko kunokwira marudzi, iwo marudzi aJehovha, kundorumbidza zita raJehovha maererano nezvakatemerwa Israeri. Zvigaro zvokutonga zvimire ikoko, zvigaro zvoushe zveimba yaDhavhidhi. Nyengetererai rugare rweJerusarema: “Vanokuda dai vagara zvakanaka. Dai mukati mamasvingo ako maita rugare, nokuchengetedzeka mukati menhare dzako.” Nokuda kwehama neshamwari dzangu, ndichati, “Rugare ngaruve mukati mako.” Nokuda kweimba yaJehovha Mwari wedu, ndichatsvaka kubudirira kwako.
Mapisarema 122:1-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndakafara panguva yavakati kwandiri, “Hendei kumba kwaJehovha.” Tsoka dzedu dzimire Pakati pamasuo ako, Jerusaremu; Jerusaremu, iwe wakavakwa Seguta rakasanganiswa zvakanaka; Ndiko kunokwira ndudzi, ndudzi dzaJehovha, Sezvakarairwa Isiraeri, Kuti vavonge zita raJehovha. Nokuti ndiko kwakagadzwa zvigaro zvokutonga, Zvigaro zvoushe zveimba yaDhavhidhi. Kumbirirai Jerusaremu rugare; Vanokudai, vachakomborerwa. Rugare ngaruve mukati mamasvingo ako, Nokufarikana mukati medzimba dzako dzohushe. Nokuda kwehama dzangu neshamwari dzangu, Ndichati zvino, “Rugare ngaruve mukati mako.” Nokuda kweimba yaJehovha Mwari wedu Ndichakutsvakira zvakanaka.
Mapisarema 122:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakafara pavakanditi, “Handei kuimba yaTENZI.” Zvino tsoka dzedu dzatsika pamisuo yako iwe Jerusaremu Jerusaremu yakavakwa seguta rakabatana, rakasungana pamwechete. Ndiko kunokwira marudzi, marudzi aTENZI sokutemwa kwazvakaitirwa Isiraeri kundotenda zita raTENZI. Imomo ndimo makagadzikwa zvigaro zvokutongera, zvigaro zvoumambo zvemba yokwaDhavhidhi. Kumbirirai Jerusaremu rugare, vanokuda ngavabudirire. Murusvingo rwako ngamuve norugare uye kubudirira kuve mumuzinda yako. Pamusana pehama dzangu neshamwari dzangu ndinoti, “Rugare ngaruve mauri.” Pamusana pemba yaTENZI Mwari wedu ndinonamata kuti zvikufambire zvakanaka.
Mapisarema 122:1-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndakafara paŋguʋa yaʋakati kwandiri: Hendei kumba kwaJehova. Tsoka dzeɗu dzimire Pakati pamasuʋo ako, Jerusarema; Jerusarema, iwe wakaʋakwa Seguta rakasoŋganiswa ɀakanaka; Ndiko kunokwira ndudzi, ndudzi dzaJehova, Seɀakarairwa Israeri, Kuti ʋaʋoŋge zita raJehova. Nokuti ndiko kwakagadzwa ɀigaro ɀokutoŋga, Ɀigaro ɀoʋushe ɀeimba yaDavidi. Kumbirirai Jerusarema rugare; Ʋanokuɗai, ʋacakomborerwa. Rugare ŋgaruʋe mukati mamaȿiŋgo ako, Nokufarikana mukati medzimba dzako dzoʋushe. Nokuɗa kwehama dzaŋgu neshamŋari dzaŋgu, Ndicati ɀino: Rugare ŋgaruʋe mukati mako. Nokuɗa kweimba yaJehova Mŋari weɗu Ndicakutȿakira ɀakanaka.
Mapisarema 122:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)