Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 119:145-160

Nziyo 119:145-160 SCLB

Ndinochema nemwoyo wangu wose, ndipindureiwo TENZI ndichengete zvirevo zvenyu. Kofu Ndinochema kwamuri, ndiponeseiwo kuti ndichengete mitemo yenyu. Ndinotangira mambakwedza kumuka ndichikumbira rubatsiro, chitarisiro changu chiri mumashoko enyu. Ndinenge ndatosvinura maziso nguva inotsinhanha varindi isati yasvika kuti ndidzamise pfungwa nezvezvitsidzo zvenyu. Nemwoyochena wenyu, inzwai kuchema kwangu, TENZI ndiraramiseiwo noruenzaniso rwenyu. Vanonditambudza vari kuuya kwandiri nepfungwa dzakaipa, vari kure nomutemo wenyu. Asi imi muri padyo TENZI uye mitemo yenyu ndeyechokwadi. Ndakaziva kare zvemitemo yenyu kuti makaidzika nokusingaperi. Tarisaiwo kutambura kwangu mundinunurewo nokuti handikanganwi mutemo wenyu. Reshi Ndimiririreiwo mundinunure, ndiraramiseiwo sokutsidza kwamakaita. Ruponeso rwuri kure navakaipa nokuti havana hanya nemitemo yenyu. Tsitsi dzenyu dzakawanda, TENZI ndiraramiseiwo noruenzaniso rwenyu. Vanonditambudza navanondirwisa vakawanda asi handitsauki pamitemo yenyu. Ndinotarisa vanyengedzi ndichivasema nokuti havachengeti mitemo yenyu. Rangarirai mudiro wandinoita mitemo yenyu, nemwoyochena wenyu ndichengetereiwo upenyu hwangu. Chokwadi ndicho mwoyo weshoko renyu uye zvirevo zvenyu zvose zvakarurama, zvinogara nokusingaperi.

Verenga chikamu Nziyo 119