Mapisarema 119:145-160
Mapisarema 119:145-160 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinodana nomwoyo wangu wose; haiwa Jehovha ndipindureiwo, uye ndichateerera mitemo yenyu. Ndinodanidzira kwamuri, ndiponesei uye ndichachengeta zvamakatema. Ndinomuka mambakwedza asati asvika ndigochemera kubatsirwa; ndakaisa tariro yangu pashoko renyu. Meso angu anogara akasvinura panguva dzose dzousiku, kuti ndifungisise pamusoro pevimbiso dzenyu. Inzwai inzwi rangu sezvakafanira rudo rwenyu; haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu zviri maererano nemirayiro yenyu. Vanoita mano akaipa vari pedyo, asi vari kure nomurayiro wenyu. Asi imi muri pedyo, Jehovha, uye mirayiro yenyu yose ndeyezvokwadi. Ndakadzidza pane zvamakatema kare, kuti makazvisimbisa kuti zvigare nokusingaperi. Tarirai kutambudzika kwangu mugondirwira, nokuti handina kukanganwa murayiro wenyu. Miririrai mhosva yangu uye mundidzikinure; chengetedzai upenyu hwangu maererano nevimbiso yenyu. Ruponeso rwuri kure navakaipa, nokuti havatsvaki mitemo yenyu. Haiwa Jehovha, tsitsi dzenyu ihuru; chengetedzai upenyu hwangu maererano nemirayiro yenyu. Vavengi vangu navanonditambudza vazhinji, asi handina kutsauka pane zvamakatema. Ndinotarira kuna vasingatendi ndichisema, nokuti havateereri shoko renyu. Tarirai madiro andinoita zvirevo zvenyu; haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu, maererano norudo rwenyu. Mashoko enyu ose ndeechokwadi; mirayiro yenyu yose yakarurama ndeyokusingaperi.
Mapisarema 119:145-160 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndakadana nomwoyo wangu wose; ndipindurei, Jehovha; Ndichachengeta mitemo yenyu. Ndakadana kwamuri; ndiponesei, Ndigochengeta zvipupuriro zvenyu. Ndakatangira mambakwedza ndikadana; Ndakatarira mashoko enyu. Meso angu akatangira nguva dzousiku, Kuti ndifungisise shoko renyu. Inzwai izwi rangu nokuda kwounyoro hwenyu; Ndiponesei Jehovha, sezvinoreva zvamakatonga. Vanotevera zvakaipa voswedera pedyo; Vari kure nomurau wenyu. Imi muri pedyo, Jehovha; Mirairo yenyu izvokwadi. Kubva kare ndakaziva nezvipupuriro zvenyu Kuti makazviteya nokusingaperi. Tarirai dambudziko rangu, mundirwire; Nokuti handikanganwi murau wenyu. Ndireverei mhosva yangu, mundidzikinure; Ndiponesei sezvinoreva shoko renyu. Kuponeswa kuri kure navakaipa; Nokuti havatsvaki mitemo yenyu. Ngoni dzenyu izhinji, Jehovha; Ndiponesei sezvinoreva zvamakatonga. Vatambudzi vangu navadzivisi vangu vazhinji; Kunyange zvakadaro handina kutsauka pazvipupuriro zvenyu. Ndakaona vanyengedzeri, ndikavasema; Nokuti havana kuchengeta shoko renyu. Fungai kuti ndinoda zvirevo zvenyu; Ndiponesei, Jehovha, nokuda kwounyoro hwenyu. Unganidzo yeshoko renyu izvokwadi; Zvose zvamakatonga, zvakarurama, zvinogara nokusingaperi.
Mapisarema 119:145-160 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinochema nemwoyo wangu wose, ndipindureiwo TENZI ndichengete zvirevo zvenyu. Kofu Ndinochema kwamuri, ndiponeseiwo kuti ndichengete mitemo yenyu. Ndinotangira mambakwedza kumuka ndichikumbira rubatsiro, chitarisiro changu chiri mumashoko enyu. Ndinenge ndatosvinura maziso nguva inotsinhanha varindi isati yasvika kuti ndidzamise pfungwa nezvezvitsidzo zvenyu. Nemwoyochena wenyu, inzwai kuchema kwangu, TENZI ndiraramiseiwo noruenzaniso rwenyu. Vanonditambudza vari kuuya kwandiri nepfungwa dzakaipa, vari kure nomutemo wenyu. Asi imi muri padyo TENZI uye mitemo yenyu ndeyechokwadi. Ndakaziva kare zvemitemo yenyu kuti makaidzika nokusingaperi. Tarisaiwo kutambura kwangu mundinunurewo nokuti handikanganwi mutemo wenyu. Reshi Ndimiririreiwo mundinunure, ndiraramiseiwo sokutsidza kwamakaita. Ruponeso rwuri kure navakaipa nokuti havana hanya nemitemo yenyu. Tsitsi dzenyu dzakawanda, TENZI ndiraramiseiwo noruenzaniso rwenyu. Vanonditambudza navanondirwisa vakawanda asi handitsauki pamitemo yenyu. Ndinotarisa vanyengedzi ndichivasema nokuti havachengeti mitemo yenyu. Rangarirai mudiro wandinoita mitemo yenyu, nemwoyochena wenyu ndichengetereiwo upenyu hwangu. Chokwadi ndicho mwoyo weshoko renyu uye zvirevo zvenyu zvose zvakarurama, zvinogara nokusingaperi.
Mapisarema 119:145-160 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndakaɗana nomŋoyo waŋgu wose; ndipindurei, Jehova; Ndicaceŋgeta mitemo yenyu. Ndakaɗana kwamuri; ndiponesei, Ndigoceŋgeta ɀipupuriro ɀenyu. Ndakataŋgira mambakwedza, ndikaɗana; Ndakatarira mashoko enyu. Meso aŋgu akataŋgira ŋguʋa dzoʋusiku, Kuti ndifuŋgisise shoko renyu. Inzwai inzwi raŋgu nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu; Ndiponesei Jehova, seɀinoreʋa ɀamakatoŋga. Ʋanoteʋera ɀakaipa ʋosweɗera pedyo; Ʋari kure nomurau wenyu. Imi muri pedyo, Jehova; Mirairo yenyu iɀokwaɗi. Kubva kare ndakaziʋa neɀipupuriro ɀenyu Kuti makaɀiteya nokusiŋgaperi. Tarirai ɗambudziko raŋgu, mundirwire; Nokuti handikaŋganwi murau wenyu. Ndireʋerei mhoȿa yaŋgu, mundidzikinure; Ndiponesei seɀinoreʋa shoko renyu. Kuponeswa kuri kure naʋakaipa; Nokuti haʋatȿaki mitemo yenyu. Ŋgoni dzenyu izhinji, Jehova; Ndiponesei seɀinoreʋa ɀamakatoŋga. Ʋatambudzi ʋaŋgu naʋadziʋisi ʋaŋgu ʋazhinji; Kunyaŋge ɀakaɗaro handina‐kutsauka paɀipupuriro ɀenyu. Ndakaʋona ʋanyeŋgedzeri, ndikaʋasema; Nokuti haʋana‐kuceŋgeta shoko renyu. Fuŋgai kuti ndinoɗa ɀireʋo ɀenyu; Ndiponesei, Jehova, nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu. Ʋuŋganidzo yeshoko renyu iɀokwaɗi; Ɀose ɀamakatoŋga, ɀakarurama, ɀinogara nokusiŋgaperi.
Mapisarema 119:145-160 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)