Ndakadana nomwoyo wangu wose; ndipindurei, Jehovha; Ndichachengeta mitemo yenyu. Ndakadana kwamuri; ndiponesei, Ndigochengeta zvipupuriro zvenyu. Ndakatangira mambakwedza ndikadana; Ndakatarira mashoko enyu. Meso angu akatangira nguva dzousiku, Kuti ndifungisise shoko renyu. Inzwai izwi rangu nokuda kwounyoro hwenyu; Ndiponesei Jehovha, sezvinoreva zvamakatonga. Vanotevera zvakaipa voswedera pedyo; Vari kure nomurau wenyu. Imi muri pedyo, Jehovha; Mirairo yenyu izvokwadi. Kubva kare ndakaziva nezvipupuriro zvenyu Kuti makazviteya nokusingaperi. Tarirai dambudziko rangu, mundirwire; Nokuti handikanganwi murau wenyu. Ndireverei mhosva yangu, mundidzikinure; Ndiponesei sezvinoreva shoko renyu. Kuponeswa kuri kure navakaipa; Nokuti havatsvaki mitemo yenyu. Ngoni dzenyu izhinji, Jehovha; Ndiponesei sezvinoreva zvamakatonga. Vatambudzi vangu navadzivisi vangu vazhinji; Kunyange zvakadaro handina kutsauka pazvipupuriro zvenyu. Ndakaona vanyengedzeri, ndikavasema; Nokuti havana kuchengeta shoko renyu. Fungai kuti ndinoda zvirevo zvenyu; Ndiponesei, Jehovha, nokuda kwounyoro hwenyu. Unganidzo yeshoko renyu izvokwadi; Zvose zvamakatonga, zvakarurama, zvinogara nokusingaperi.
Verenga chikamu Mapisarema 119
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 119:145-160
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo