Jesu akavapindura achiti, “Zvechokwadi chaizvo, ndinoti kwamuri, munhu wose anopara chitadzo muranda wechitadzo. Mumhuri, muranda mupfuuri chete, asi mwana ndewemo nokusingaperi. Saizvozvo kana Mwanakomana akakupai rusununguko muchava norusununguko ruzere. Ndinozviziva kuti muri zvizvarwa zvaAbhurahamu, asi munoda kundiuraya nokuti izwi rangu hariwani nzvimbo mamuri. Ini ndinotaura zvandakaona kuna Baba vangu. Imiwo munoita zvamakanzwa kunababa venyu.” Vakamupindurawo vachiti, “Abhurahamu ndivo Baba vedu.” Jesu akavati, “Dai muri vana vaAbhurahamu mungadai muchiita zvaiitwa naAbhurahamu. Asi zvino munoda kundiuraya; ini ndiri munhu akakutaurirai chokwadi chandakanzwa kuna Mwari. Izvi hazvisirizvo zvaiitwa naAbhurahamu. Imi munoita zvinoitwa nababa venyu.” Ivo vakati kwaari, “Isu hatisi vana vomusango. Tina Baba mumwechete, iye Mwari pachake.” Jesu wakavati, “Dai Mwari ari Baba venyu mungadai muchindida nokuti Mwari ndiye dzinde rokwandinobva. Handina kungouyawo zvomusoro wangu asi iye ndiye akandituma. Hamunzwisisi sei zvandinotaura? Chikonzero ndechokuti imi hamudi kunzwa zvandinoreva. Imi muri vana vababa venyu Dhiabhori uye chamakasarudza, kuita zvinodiwa nababa venyu. Iye akanga ari mhondi kubvira pakutanga, uye haanei nechokwadi nokuti maari hamuna chokwadi. Kana achireva nhema, ari kutotaura maererano nezvaari nokuti iye munyepi uye ndibaba wamanyepo. Pamusana pokuti ndinotaura chokwadi, hamunditendi. Ndiani pakati penyu anganditi ndine mhosva yechitadzo? Ko zvino kana ndichitaura chokwadi ngei musingatendi mandiri. Munhu waMwari anonzwa zvinotaurwa naMwari nezvo imi hamuzvinzwi nokuti hamusi vanhu vaMwari.”
Verenga chikamu Johani 8
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 8:34-47
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo