Jesu akapindura, akati, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe anoita zvivi, ndiye muranda wezvivi. Muranda haagari mumba nokusingaperi; mwanakomana ndiye anogara nokusingaperi. Naizvozvo kana Mwanakomana achikusunungurai, muchava vakasununguka kwazvo. Ndinoziva kuti muri rudzi rwaAbhurahamu; asi munotsvaka kundiuraya, nokuti shoko rangu hariwani nzvimbo mamuri.
“Ini ndinotaura zvandakaona kuna baba vangu; imi munoitawo zvamanzwa kuna baba venyu.”
Vakapindura, vakati kwaari, “Baba vedu ndiAbhurahamu.” Jesu akati kwavari, “Dai maiva vana vaAbhurahamu, maiita mabasa aAbhurahamu. Asi zvino munotsvaka kundiuraya, ini munhu wakakuudzai chokwadi, chandakanzwa kuna Mwari. Abhurahamu haana kuita izvozvo. Imi munoita mabasa ababa venyu.” Vakati kwaari, “Hatina kuberekwa noupombwe; tina baba vamwechete, iye Mwari.”
Jesu akati kwavari, “Dai Mwari aiva baba venyu, maindida ini; nokuti ndakabuda, ndikabva kuna Mwari. Nokuti handina kuuya nokuda kwangu ini, asi ndiye akandituma. Hamunzwisisi seiko kutaura kwangu? Nokuti hamugoni kunzwa shoko rangu. Imi muri vababa venyu Dhiabhori, munoda kuita kuda kwakaipa kwababa venyu. Iye akanga ari muurayi kubva pakutanga; haamiri muchokwadi, nokuti maari hamuna chokwadi. Kana achireva nhema, anoreva zvake, nokuti ndiye wenhema, uye baba vadzo. Asi ini, zvandinoreva chokwadi, hamunditendi. Ndianiko kwamuri angakonese kuti ndine zvivi? Kana ndichireva chokwadi, munoregereiko kunditenda? Ari waMwari, anonzwa mashoko aMwari; imi hamunzwi nemhaka iyi, nokuti hamusiri muri vaMwari.”