Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 8:34-47

Johani 8:34-47 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, mumwe nomumwe anotadza ndiye muranda wechivi. Zvino muranda haagari mumhuri nokusingaperi, asi mwanakomana ndiye anogaramo nokusingaperi. Saka kana Mwanakomana achikusunungurai, muchava vakasununguka kwazvo. Ndinoziva kuti muri zvizvarwa zvaAbhurahama. Asi munotsvaka kundiuraya, nokuti shoko rangu harina nzvimbo mamuri. Ndiri kukuudzai zvandakaona pamberi paBaba vangu, uye imi munoita zvamakanzwa kuna baba venyu.” Ivo vakati, “Abhurahama ndivo baba vedu.” Jesu akati, “Dai maiva vana vaAbhurahama, maidai muchiita zvinhu zvakanga zvichiitwa naAbhurahama. Izvozvi muri kutsvaka kundiuraya, munhu akuudzai chokwadi chandakanzwa kuna Mwari. Abhurahama haana kuita zvinhu zvakadai. Muri kuita zvinhu zvinoitwa nababa venyu.” Vakapindura vakati, “Isu hatisi vana vakaberekwa muupombwe. Baba vatinavo isu ndiye Mwari bedzi.” Jesu akati kwavari, “Dai Mwari aiva Baba venyu, mungadai maindida, nokuti ndakabva kuna Mwari uye iye zvino ndiri pano. Handina kungouya pachangu; asi ndivo vakandituma. Seiko musinganzwisisi kutaura kwangu? Nokuti hamugoni kunzwa zvandinotaura. Imi muri vababa venyu, dhiabhori, uye munoda kuita kuda kwababa venyu. Akanga ari muurayi kubva pakutanga, haamiri muzvokwadi, nokuti maari hamuna zvokwadi. Kana achireva nhema, ndiwo mutauro wokwake iwoyo, nokuti ndiye murevi wenhema uye Baba vadzo. Asi nokuda kwokuti ndinotaura chokwadi, imi hamutendi kwandiri! Ndiani pakati penyu angaratidza kukanganisa kwangu? Kana ndichitaura chokwadi, seiko musinganditendi? Uyo ari waMwari anonzwa zvinorehwa naMwari. Chinoita kuti murege kunzwa ndechokuti imi hamusi vaMwari.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 8

Johani 8:34-47 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Jesu akapindura, akati, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe anoita zvivi, ndiye muranda wezvivi. Muranda haagari mumba nokusingaperi; mwanakomana ndiye anogara nokusingaperi. Naizvozvo kana Mwanakomana achikusunungurai, muchava vakasununguka kwazvo. Ndinoziva kuti muri rudzi rwaAbhurahamu; asi munotsvaka kundiuraya, nokuti shoko rangu hariwani nzvimbo mamuri. “Ini ndinotaura zvandakaona kuna baba vangu; imi munoitawo zvamanzwa kuna baba venyu.” Vakapindura, vakati kwaari, “Baba vedu ndiAbhurahamu.” Jesu akati kwavari, “Dai maiva vana vaAbhurahamu, maiita mabasa aAbhurahamu. Asi zvino munotsvaka kundiuraya, ini munhu wakakuudzai chokwadi, chandakanzwa kuna Mwari. Abhurahamu haana kuita izvozvo. Imi munoita mabasa ababa venyu.” Vakati kwaari, “Hatina kuberekwa noupombwe; tina baba vamwechete, iye Mwari.” Jesu akati kwavari, “Dai Mwari aiva baba venyu, maindida ini; nokuti ndakabuda, ndikabva kuna Mwari. Nokuti handina kuuya nokuda kwangu ini, asi ndiye akandituma. Hamunzwisisi seiko kutaura kwangu? Nokuti hamugoni kunzwa shoko rangu. Imi muri vababa venyu Dhiabhori, munoda kuita kuda kwakaipa kwababa venyu. Iye akanga ari muurayi kubva pakutanga; haamiri muchokwadi, nokuti maari hamuna chokwadi. Kana achireva nhema, anoreva zvake, nokuti ndiye wenhema, uye baba vadzo. Asi ini, zvandinoreva chokwadi, hamunditendi. Ndianiko kwamuri angakonese kuti ndine zvivi? Kana ndichireva chokwadi, munoregereiko kunditenda? Ari waMwari, anonzwa mashoko aMwari; imi hamunzwi nemhaka iyi, nokuti hamusiri muri vaMwari.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 8

Johani 8:34-47 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Jesu akavapindura achiti, “Zvechokwadi chaizvo, ndinoti kwamuri, munhu wose anopara chitadzo muranda wechitadzo. Mumhuri, muranda mupfuuri chete, asi mwana ndewemo nokusingaperi. Saizvozvo kana Mwanakomana akakupai rusununguko muchava norusununguko ruzere. Ndinozviziva kuti muri zvizvarwa zvaAbhurahamu, asi munoda kundiuraya nokuti izwi rangu hariwani nzvimbo mamuri. Ini ndinotaura zvandakaona kuna Baba vangu. Imiwo munoita zvamakanzwa kunababa venyu.” Vakamupindurawo vachiti, “Abhurahamu ndivo Baba vedu.” Jesu akavati, “Dai muri vana vaAbhurahamu mungadai muchiita zvaiitwa naAbhurahamu. Asi zvino munoda kundiuraya; ini ndiri munhu akakutaurirai chokwadi chandakanzwa kuna Mwari. Izvi hazvisirizvo zvaiitwa naAbhurahamu. Imi munoita zvinoitwa nababa venyu.” Ivo vakati kwaari, “Isu hatisi vana vomusango. Tina Baba mumwechete, iye Mwari pachake.” Jesu wakavati, “Dai Mwari ari Baba venyu mungadai muchindida nokuti Mwari ndiye dzinde rokwandinobva. Handina kungouyawo zvomusoro wangu asi iye ndiye akandituma. Hamunzwisisi sei zvandinotaura? Chikonzero ndechokuti imi hamudi kunzwa zvandinoreva. Imi muri vana vababa venyu Dhiabhori uye chamakasarudza, kuita zvinodiwa nababa venyu. Iye akanga ari mhondi kubvira pakutanga, uye haanei nechokwadi nokuti maari hamuna chokwadi. Kana achireva nhema, ari kutotaura maererano nezvaari nokuti iye munyepi uye ndibaba wamanyepo. Pamusana pokuti ndinotaura chokwadi, hamunditendi. Ndiani pakati penyu anganditi ndine mhosva yechitadzo? Ko zvino kana ndichitaura chokwadi ngei musingatendi mandiri. Munhu waMwari anonzwa zvinotaurwa naMwari nezvo imi hamuzvinzwi nokuti hamusi vanhu vaMwari.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 8

Johani 8:34-47 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Jesu akapindura, akati: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Mumŋe nomumŋe unoita ɀiʋi, ndiye muranda weɀiʋi. Muranda haagari mumba nokusiŋgaperi; mŋanakomana ndiye unogara nokusiŋgaperi. Naiɀoɀo kana Mŋanakomana acikusunuŋgurai, mucaʋa ʋakasunuŋguka kwaɀo. Ndinoziʋa kuti muri rudzi rwaAbrahama; asi munotȿaka kundiʋuraya, nokuti shoko raŋgu hariendiki mukati menyu. Ini ndinoreʋa iɀo ɀandakaʋona kunaƂaɓa ʋaŋgu; imi munoita ʋo ɀamanzwa kunaɓaɓa ʋenyu. Ʋakapindura, ʋakati kwaari: Ƃaɓa ʋeɗu ndiAbrahama. Jesu akati kwaʋari: Ƌai maiʋa ʋana ʋaAbrahama, maiita maɓasa aAbrahama. Asi ɀino munotȿaka kundiʋuraya, ini munhu wakakuʋudzai ɀokwaɗi, yandakanzwa kunaMŋari. Abrahama haana‐kuita iɀoɀo. Imi munoita maɓasa aɓaɓa ʋenyu. Ʋakati kwaari: Hatina‐kuɓerekwa noʋupombge; tinaƂaɓa ʋamŋe, iye Mŋari. Jesu akati kwaʋari: Ƌai Mŋari aiʋa Ƃaɓa ʋenyu, maindiɗa ini; nokuti Ndakaɓuɗa, ndikabva kunaMŋari. Nokuti handina‐kuɀiʋuyira ini ndimene, asi ndiye wakandituma. Hamunzwisisi seiko kutaura kwaŋgu? Nokuti hamugoni kunzwa shoko raŋgu. Imi muri ʋaɓaɓa ʋenyu Diaborosi, munoɗa kuita kuɗa kwakaipa kwaɓaɓa ʋenyu. Iye wakaŋga ari muʋurayi kubva pakutaŋga; haamiri muɀokwaɗi, nokuti maari hamuneɀokwaɗi. Kana acireʋa nhema, unoreʋa ɀake, nokuti ndiye wenhema, ʋuye ɓaɓa ʋadzo. Asi ini, ɀandinoreʋa ɀokwaɗi, hamunditendi. Ndianiko kwamuri uŋganditendisa kuti ndineɀiʋi? Kana ndicireʋa ɀokwaɗi, munoregereiko kunditenda? Uri waMŋari, unonzwa mashoko aMŋari; imi hamunzwi nemhaka iyi, nokuti hamuzati muri ʋaMŋari.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 8

Johani 8:34-47 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)