Isaya 9:3-7
Isaya 9:3-7 SCLB
Maita kuti rufaro rwavo ruwande mavapa rufaro rwakawanda vari kupembera kufara pamberi penyu sokufarwa kunoitwa pakukohwa sokufara kunoita vanhu pakugovana zvinenge zvapambwa. Pamusana pokuti matyora joko raimuremera netsvimbo yokumurova mapfudzi, neshamhu yaiye waimubata zvakaipa, sepazuva riya ramakakurira Midhiani nokuti shangu dzose dzomurwi wehondo dzavanogiga nadzo pasi muhondo nehanzu dzose dzakaumburudzwa muropa dzichapiswa sehuni dzomoto; nokuti tazvarirwa mwana, tapiwa mwana mukomana; umambo uchava mumaoko make uye zita rake richanzi, “Gurukotarinoshamisa,” “Mwarisamasimbaose,” “Babanyakugaranokugara,” “Jindarorugare.” Umambo hwake hucharamba huchingoenderera mberi huine rugare rusina mugumo ari pachigaro chaDhavhidhi paumambo hwake kuti hudzike midzi nokuhutsigisa noruenzaniso noururami kubvira zvino kusvikira narini wose. Tenzi wehondo nehondo neshungu dzake achatozviita izvozvo.

