Isaya 9:3-7
Isaya 9:3-7 SNA2002
Makawanza rudzi, makawedzera mufaro wavo; vanofara pamberi penyu, sokufara kwavanhu panguva yokukohwa, sokufara kwavanhu kana vachigoverana zvakapambwa. Nokuti makavhuna joko raivaremedza, netsvimbo yairova mafudzi avo, neshamhu yavaivamanikidza, sapamazuva avaMidhiani. Nokuti shangu imwe neimwe yomurwi, yakatsika nokutinhira, nenguo yakanyikwa muropa, zvichapiswa, zvichava sehuni dzomoto. Nokuti takazvarirwa Mwana, takapiwa Mwanakomana; umambo huchava pafudzi rake; zita rake richanzi, “Anoshamisa, Gota, Mwari ane simba, Baba vokusingaperi, Muchinda worugare.” Kukura kwoumambo hwake nokworugare hazvina mugumo, agare pachigaro choushe chaDhavhidhi napaushe hwake, ahusimbise ahutsigire nokururamisira nokururama kubva zvino kusvikira panguva isingaperi. Kushingaira kwaJehovha wehondo kuchazviita.

