Isaya 9:3-7
Isaya 9:3-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Makakurisa rudzi mukawedzera mufaro wavo; vanofara pamberi penyu savanhu vanofara panguva yokukohwa, sokufara kwavarume, kana vachigoverana zvakapambwa. Nokuti sapamazuva okukundwa kwavaMidhia, vamakaparadzira joko raivaremera, nedanda raichinjika mafudzi avo, iyo tsvimbo yavamanikidzi vavo. Shangu imwe neimwe yomurwi yakashandiswa muhondo, nenguo imwe neimwe yakaumburudzwa muropa, zvichapiswa, zvichava huni dzomoto. Nokuti takazvarirwa mwana, takapiwa mwanakomana, uye umambo huchava pamapfudzi ake. Uye achanzi Gota Rinoshamisa, Mwari Ane Simba, Baba Vokusingaperi, Muchinda woRugare. Kukura kwoumambo hwake nekworugare rwake hazvizovi namagumo. Achatonga pachigaro choushe chaDhavhidhi napamusoro poumambo hwake, achihusimbisa nokuhutsigira, nokururamisira uye nokururama, kubva panguva iyoyo kusvikira nokusingaperi. Kushingaira kwaJehovha Wamasimba Ose kuchazviita.
Isaya 9:3-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Makawanza rudzi, makawedzera mufaro wavo; vanofara pamberi penyu, sokufara kwavanhu panguva yokukohwa, sokufara kwavanhu kana vachigoverana zvakapambwa. Nokuti makavhuna joko raivaremedza, netsvimbo yairova mafudzi avo, neshamhu yavaivamanikidza, sapamazuva avaMidhiani. Nokuti shangu imwe neimwe yomurwi, yakatsika nokutinhira, nenguo yakanyikwa muropa, zvichapiswa, zvichava sehuni dzomoto. Nokuti takazvarirwa Mwana, takapiwa Mwanakomana; umambo huchava pafudzi rake; zita rake richanzi, “Anoshamisa, Gota, Mwari ane simba, Baba vokusingaperi, Muchinda worugare.” Kukura kwoumambo hwake nokworugare hazvina mugumo, agare pachigaro choushe chaDhavhidhi napaushe hwake, ahusimbise ahutsigire nokururamisira nokururama kubva zvino kusvikira panguva isingaperi. Kushingaira kwaJehovha wehondo kuchazviita.
Isaya 9:3-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Maita kuti rufaro rwavo ruwande mavapa rufaro rwakawanda vari kupembera kufara pamberi penyu sokufarwa kunoitwa pakukohwa sokufara kunoita vanhu pakugovana zvinenge zvapambwa. Pamusana pokuti matyora joko raimuremera netsvimbo yokumurova mapfudzi, neshamhu yaiye waimubata zvakaipa, sepazuva riya ramakakurira Midhiani nokuti shangu dzose dzomurwi wehondo dzavanogiga nadzo pasi muhondo nehanzu dzose dzakaumburudzwa muropa dzichapiswa sehuni dzomoto; nokuti tazvarirwa mwana, tapiwa mwana mukomana; umambo uchava mumaoko make uye zita rake richanzi, “Gurukotarinoshamisa,” “Mwarisamasimbaose,” “Babanyakugaranokugara,” “Jindarorugare.” Umambo hwake hucharamba huchingoenderera mberi huine rugare rusina mugumo ari pachigaro chaDhavhidhi paumambo hwake kuti hudzike midzi nokuhutsigisa noruenzaniso noururami kubvira zvino kusvikira narini wose. Tenzi wehondo nehondo neshungu dzake achatozviita izvozvo.
Isaya 9:3-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Makawanza rudzi, makawedzera mufaro waʋo; ʋanofara pamberi penyu, sokufara kwaʋanhu paŋguʋa yokuceka, sokufara kwaʋanhu kana ʋacigoʋerana ɀakapambga. Nokuti makavuna joko raiʋaremedza, netȿimbo yairoʋa mafudzi aʋo, neshamhu yaʋaiʋamanikidza, sapamazuʋa aʋaMidiani. Nokuti shaŋgu imŋe neimŋe yomurwi, yakatsika nokutinhira, neŋguʋo yakanyikwa muropa, ɀicapiswa, ɀicaʋa sehuni dzomŋoto. Nokuti takaɀarirwa Mŋana, takapiwa Mŋanakomana; ʋumambo ʋucaʋa pafudzi rake; zita rake ricanzi: Unoshamisa, Gota, Mŋari unesimba, Ƃaɓa ʋokusiŋgaperi, Mucinda worugare. Kukura kwoʋumambo bgake nokworugare haɀinamugumo, agare pacigaro coʋushe caDavidi napaʋushe bgake, aʋusimbise aʋutsigire nokururamisira nokururama kubva ɀino kuȿikira paŋguʋa isiŋgaperi. Kushiŋgaira kwaJehova wehondo kucaɀiita.
Isaya 9:3-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)