Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 65:21-24

Isaya 65:21-24 SCLB

Vanhu vachavaka dzimba vakatodzigara, vachisima minda yamagirepisi vachitozodyawo michero yayo. Havazomboti ivo vakavaka, mumwewo zvake ndiye ozogaramo, hazvisiri kuzombosima mumwe achizodya, nokuti vanhu vangu vachararama samakore anogara hunde yomuti. Vasarudzwi vangu ava vachasaraka chaizvo vachingofarira basa ravanoita ivo namaoko avo. Havasi kuzomboshandira pasina kana kuberekera vana vavo nhamo nokuti ivo nevana vavo vanenge vari vana vaTenzi, nyakurumbidzwa. Vasati vatombonamata ini ndinenge ndatopindura kare munamato wavo, ivo vachiri kutaura, ini ndinenge ndatozvinzwa.

Verenga chikamu Isaya 65