Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 65:21-24

Isaya 65:21-24 SNA2002

Vachavaka dzimba nokugaramo; vachasima minda yemidzambiringa, nokudya michero yayo. Havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo; havangasimi, mumwe achizodya; nokuti samazuva omuti, ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu; vatsanangurwa vangu vachapedza nguva huru vachifarira mabasa amaoko avo. Havangabatiri zvisina maturo, kana kubereka vana vachakurumidza kuparadzwa; nokuti ndivo vana vavakaropafadzwa naJehovha, zvibereko zvavo zvichagara navo. Zvino ndichapindura vasati vadana, ndichanzwa vachitaura.

Verenga chikamu Isaya 65