Isaya 65:21-24
Isaya 65:21-24 BDSC
Vachavaka dzimba vagogara madziri; vachadyara mazambiringa vagodya michero yawo. Havachazovakazve dzimba dzinozogarwa navamwe, kana kudyara vamwe vachizodya. Nokuti sezvakaita mazuva omuti, ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu; vasanangurwa vangu vachafara kwenguva refu mumabasa amaoko avo. Havachazoshandira pasina kana kubereka vana vanoparadzwa; nokuti vachava vanhu vakaropafadzwa naJehovha, ivo nezvizvarwa zvavo. Vasati vadana ndichavapindura; vachiri kutaura ndichavanzwa.

