“Iwe mwanakomana womunhu porofita wakanangana namakomo eIsiraeri uti, imi makomo eIsiraeri inzwai shoko raTenzi, zvanzi naTenzi Mwari, pamusana pokuti muvengi akati nezvako, ‘Hekanhi waro, nzvimbo dzapasichigare dzakatunhumara dzavawo dzedu.’ Saka chiporofita uchiti zvanzi naTenzi Mwari, pamusana pokuti, hongu, pamusana pokuti vakaita kuti uve renje vakakupwanya kumativi ose zvokuti makave mumaoko amamwe marudzi ose ukava pamiromo yavanhu vachikureva, naizvozvo imi makomo eIsiraeri chinzwai shoko raTenzi Mwari. Zvanzi naTenzi kumakomo nokuzvikomo nokumakoronga nokumapani uye kumarenje asina chinhu nokumatongo amaguta ava nyama zvayo yamagora nechiseko zvacho kumamwe marudzi avanhu vomunharaunda. “Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari ndiri kutaura izvi ndiine shanje chaiyo kumamwe marudzi nokuEdhomu yose vakazvipa nyika yangu kuti ive yavo vachitopembera kufara nomwoyo wose vachishora zvakanyanya kuti vaiite yavo vaipambe. “Naizvozvo chiporofita wakanangana nenyika yeIsiraeri uti kumakomo nokuzvikomo nokumakoronga nokumapani Tenzi Mwari ari kuti, chinzwai ndiri kutaura ndiine shanje nehasha nokuti makanyara nokushorwa namarudzi. Saka zvanzi naTenzi Mwari, ndinosimudza ruoko rwangu ndichipika kuti marudzi ose ari munharaunda menyu ndivo vachanyara. Asi imi makomo eIsiraeri, mapazi enyu achatungira mugoberekera vanhu vangu veIsiraeri muchero wenyu nokuti vachadzokera kumusha iye zvinouno nokuti, chionai, ini ndiri kudivi kwenyu uye ndichakucheukai, mucharimwa mugodyarwa. Ndichaitawo kuti mauri vanhu vatekeshere, imba yose yaIsiraeri, yose zvayo. Maguta achagarwa navanhu nenzvimbo dzerenje dzichavakwa misha. Uye ndichaita kuti vanhu nemhuka zvitekeshere mamuri zviberekane zviwande. Ndichakonzera kuti vanhu vagare mamuri sapakutanga uye ndichakuitirai zvakanaka zvakawanda kupinda kare. Ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi. Ndichaita kuti vanhu vafambe pamuri, ivo vangu vaIsiraeri, ivo vachakuita nyika yavo, iwe uchava nhaka yavo. Hauzoita kuti vafirwe navana zvakare. Zvanzi naTenzi Mwari pamusana pokuti vanhu vanoti kwamuri anodya vanhu uye kuti unokonzera kuti rudzi rwavanhu vako vafirwe navana. Ipapo zvokudya vanhu hauchazviitazve kana zvokukonzera kuti rudzi rwavanhu vako vafirwe navanazve, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Handichakurega uchinzwa zvokushorwa namarudzi uye hauchazonyadziswa navanhu. Hauzokonzera rudzi rwako kuti rwugumburwe.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Verenga chikamu Ezekieri 36
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ezekieri 36:1-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo