Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 36:1-15

Ezekieri 36:1-15 SNA2002

Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, porofita pamusoro pamakomo aIsiraeri, uti, “Imi makomo aIsiraeri, inzwai shoko raJehovha.” Zvanzi naIshe Jehovha, “Muvengi wako zvaakati pamusoro pako, ‘Toko waro!’ Uye, nzvimbo dzakakwirira dzekare inhaka yedu; naizvozvo porofita, uti, zvanzi naIshe Jehovha, ‘Nemhaka iyi, zvavakakuitai dongo, nokukumedzai kumativi ose, kuti muve nhaka yamarudzi avanhu akasara, zvamakarehwa nemiromo yavanotaura, mukaitirwa makuhwa navanhu;’ naizvozvo, imi makomo aIsiraeri, inzwai shoko raIshe Jehovha, zvanzi naIshe Jehovha kumakomo nokuzvikomo nokuhova nokumipata nokunzvimbo dzakaparadzwa nokumaguta akasiyiwa, ava chinhu chinopambwa nechinosekwa namarudzi akasara anoapoteredza; naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, ‘Zvirokwazvo, ndakataura nomoto wegodo rangu pamusoro pavakasara vamarudzi napamusoro peEdhomu rose, ivo vakazvitorera nyika yangu vachiti ive nhaka yavo, vachingofara nomwoyo wavo wose vachishora nemweya yavo, kuti vairasire kure ipambwe.’ “Naizvozvo porofita pamusoro penyika yaIsiraeri, uti kumakomo nokuzvikomo, nokuhova nokumipata, zvanzi naIshe Jehovha, ‘Tarirai ndakataura negodo rangu nokutsamwa kwangu, nokuti makashorwa namarudzi;’ naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, ‘Ndakapika ndichiti, zvirokwazvo marudzi anokupoteredza kwose, ndiwo achashorwa. Asi imi, makomo aIsiraeri, muchabudisa matavi enyu, nokuberekera vanhu vangu vaIsiraeri michero nokuti vava kuda kusvika.’ Nokuti tarirai, ndinemi, ndichatsaukira kwamuri, mucharimwa nokudyarwa; ndichawanza vanhu pamusoro pako, iyo imba yose yaIsiraeri, ivo vose; maguta achagarwa, namatongo achavakwa; ndichawanza pamusoro penyu vanhu nezvipfuwo, vachawanda nokuberekana; ndichagarisa vanhu mukati menyu, sezvamakanga makaita kare, nokukuitirai zvakanaka zvinopfuura zvapakuvamba kwenyu; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha. Zvirokwazvo, ndichafambisa vanhu pamusoro penyu, ivo vanhu vangu vaIsiraeri; vachakuita wavo, uchava nhaka yavo, kubva zvino haungazovatoreri vana vavo. “Zvanzi naIshe Jehovha, ‘Zvavanoti kwauri, iwe uri nyika inopedza vanhu, wakatorera rudzi rwako vana; naizvozvo hauchazopedzi vanhu, kana kuzotorera rudzi rwako vana,’ ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; handichazokunzwisi kunyadziswa kwamarudzi, haungazoshorwi navanhu, haungazogumbusi rudzi rwako,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

Verenga chikamu Ezekieri 36