Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 36:1-15

Ezekieri 36:1-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

“Mwanakomana womunhu, profita pamusoro pamakomo eIsraeri uti, ‘Imi makomo eIsraeri, inzwai shoko raJehovha. Zvanzi naIshe Jehovha: Muvengi akati kwauri, “Toko waro! Nzvimbo dzakakwirira dzekare dzava dzedu.” ’ Naizvozvo profita uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Nemhaka yokuti vakakuparadzai uye vakakudzingirai kumativi ose kusvikira mava vanhu vendudzi dzose uye nechinhu chinoshorwa navanhu, nechinorehwa, naizvozvo, imi makomo eIsraeri, inzwai shoko raIshe Jehovha: Zvanzi naIshe Jehovha kumakomo nokuzvikomo, kuhova nokumipata, kumatongo akaparadzwa okumaguta akasiyiwa akanga apambwa uye akasekwa nendudzi dzose dzakakupoteredzai, zvanzi naIshe Jehovha: Mumoto wokushingaira kwangu, ndakataura pamusoro pendudzi dzakasara, uye pamusoro peEdhomu yose, nokuti nomufaro uye negodo remwoyo yavo vakaita nyika yangu nhaka yavo kuitira kuti vapambe mafuro avo.’ Naizvozvo profita pamusoro penyika yeIsraeri uti kumakomo nokuzvikomo, kuhova nokumipata: ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndinotaura negodo nehasha dzangu nokuti makashorwa nendudzi. Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndinopika noruoko rwakasimudzwa kuti ndudzi dzakakupoteredza naidzo dzichashorwawo. “ ‘Asi imi, iyemi makomo eIsraeri, muchabudisa matavi nemichero yavanhu vangu ivo Israeri, nokuti vachakurumidza kudzokera kumusha. Ndine hanya newe uye ndichakutarira neziso rine tsitsi; ucharimwa ugodyarwa, uye ndichawanza vanhu pamusoro pako, kunyange iyo imba yose yaIsraeri. Maguta achagarwa uye matongo achavakwazve. Ndichawedzera kuwanda kwavanhu nezvipfuwo pamusoro pako uye vachava nezvibereko vagowanda kwazvo. Ndichagarisa vanhu mauri sezvazvakanga zvakaita kare uye ndichaita kuti mubudirire kupfuura pakutanga. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha. Ndichaita kuti vanhu, ivo vanhu vangu Israeri, vafambe pamusoro pako. Vachakutora uye muchava nhaka yavo; hamuchazovatorerizve vana vavo. “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Nokuti vanhu vanoti kwauri, “Iwe unodya vanhu uye unotorera rudzi rwako vana,” naizvozvo hauchazodyi vanhu kana kushayisa rudzi rwako vana, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Handichazoiti kuti unzwe kutuka kwendudzi, hauchazoshorwi navanhu uye handichazoiti kuti rudzi rwako ruwe, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezekieri 36

Ezekieri 36:1-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, porofita pamusoro pamakomo aIsiraeri, uti, “Imi makomo aIsiraeri, inzwai shoko raJehovha.” Zvanzi naIshe Jehovha, “Muvengi wako zvaakati pamusoro pako, ‘Toko waro!’ Uye, nzvimbo dzakakwirira dzekare inhaka yedu; naizvozvo porofita, uti, zvanzi naIshe Jehovha, ‘Nemhaka iyi, zvavakakuitai dongo, nokukumedzai kumativi ose, kuti muve nhaka yamarudzi avanhu akasara, zvamakarehwa nemiromo yavanotaura, mukaitirwa makuhwa navanhu;’ naizvozvo, imi makomo aIsiraeri, inzwai shoko raIshe Jehovha, zvanzi naIshe Jehovha kumakomo nokuzvikomo nokuhova nokumipata nokunzvimbo dzakaparadzwa nokumaguta akasiyiwa, ava chinhu chinopambwa nechinosekwa namarudzi akasara anoapoteredza; naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, ‘Zvirokwazvo, ndakataura nomoto wegodo rangu pamusoro pavakasara vamarudzi napamusoro peEdhomu rose, ivo vakazvitorera nyika yangu vachiti ive nhaka yavo, vachingofara nomwoyo wavo wose vachishora nemweya yavo, kuti vairasire kure ipambwe.’ “Naizvozvo porofita pamusoro penyika yaIsiraeri, uti kumakomo nokuzvikomo, nokuhova nokumipata, zvanzi naIshe Jehovha, ‘Tarirai ndakataura negodo rangu nokutsamwa kwangu, nokuti makashorwa namarudzi;’ naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, ‘Ndakapika ndichiti, zvirokwazvo marudzi anokupoteredza kwose, ndiwo achashorwa. Asi imi, makomo aIsiraeri, muchabudisa matavi enyu, nokuberekera vanhu vangu vaIsiraeri michero nokuti vava kuda kusvika.’ Nokuti tarirai, ndinemi, ndichatsaukira kwamuri, mucharimwa nokudyarwa; ndichawanza vanhu pamusoro pako, iyo imba yose yaIsiraeri, ivo vose; maguta achagarwa, namatongo achavakwa; ndichawanza pamusoro penyu vanhu nezvipfuwo, vachawanda nokuberekana; ndichagarisa vanhu mukati menyu, sezvamakanga makaita kare, nokukuitirai zvakanaka zvinopfuura zvapakuvamba kwenyu; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha. Zvirokwazvo, ndichafambisa vanhu pamusoro penyu, ivo vanhu vangu vaIsiraeri; vachakuita wavo, uchava nhaka yavo, kubva zvino haungazovatoreri vana vavo. “Zvanzi naIshe Jehovha, ‘Zvavanoti kwauri, iwe uri nyika inopedza vanhu, wakatorera rudzi rwako vana; naizvozvo hauchazopedzi vanhu, kana kuzotorera rudzi rwako vana,’ ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; handichazokunzwisi kunyadziswa kwamarudzi, haungazoshorwi navanhu, haungazogumbusi rudzi rwako,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezekieri 36

Ezekieri 36:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

“Iwe mwanakomana womunhu porofita wakanangana namakomo eIsiraeri uti, imi makomo eIsiraeri inzwai shoko raTenzi, zvanzi naTenzi Mwari, pamusana pokuti muvengi akati nezvako, ‘Hekanhi waro, nzvimbo dzapasichigare dzakatunhumara dzavawo dzedu.’ Saka chiporofita uchiti zvanzi naTenzi Mwari, pamusana pokuti, hongu, pamusana pokuti vakaita kuti uve renje vakakupwanya kumativi ose zvokuti makave mumaoko amamwe marudzi ose ukava pamiromo yavanhu vachikureva, naizvozvo imi makomo eIsiraeri chinzwai shoko raTenzi Mwari. Zvanzi naTenzi kumakomo nokuzvikomo nokumakoronga nokumapani uye kumarenje asina chinhu nokumatongo amaguta ava nyama zvayo yamagora nechiseko zvacho kumamwe marudzi avanhu vomunharaunda. “Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari ndiri kutaura izvi ndiine shanje chaiyo kumamwe marudzi nokuEdhomu yose vakazvipa nyika yangu kuti ive yavo vachitopembera kufara nomwoyo wose vachishora zvakanyanya kuti vaiite yavo vaipambe. “Naizvozvo chiporofita wakanangana nenyika yeIsiraeri uti kumakomo nokuzvikomo nokumakoronga nokumapani Tenzi Mwari ari kuti, chinzwai ndiri kutaura ndiine shanje nehasha nokuti makanyara nokushorwa namarudzi. Saka zvanzi naTenzi Mwari, ndinosimudza ruoko rwangu ndichipika kuti marudzi ose ari munharaunda menyu ndivo vachanyara. Asi imi makomo eIsiraeri, mapazi enyu achatungira mugoberekera vanhu vangu veIsiraeri muchero wenyu nokuti vachadzokera kumusha iye zvinouno nokuti, chionai, ini ndiri kudivi kwenyu uye ndichakucheukai, mucharimwa mugodyarwa. Ndichaitawo kuti mauri vanhu vatekeshere, imba yose yaIsiraeri, yose zvayo. Maguta achagarwa navanhu nenzvimbo dzerenje dzichavakwa misha. Uye ndichaita kuti vanhu nemhuka zvitekeshere mamuri zviberekane zviwande. Ndichakonzera kuti vanhu vagare mamuri sapakutanga uye ndichakuitirai zvakanaka zvakawanda kupinda kare. Ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi. Ndichaita kuti vanhu vafambe pamuri, ivo vangu vaIsiraeri, ivo vachakuita nyika yavo, iwe uchava nhaka yavo. Hauzoita kuti vafirwe navana zvakare. Zvanzi naTenzi Mwari pamusana pokuti vanhu vanoti kwamuri anodya vanhu uye kuti unokonzera kuti rudzi rwavanhu vako vafirwe navana. Ipapo zvokudya vanhu hauchazviitazve kana zvokukonzera kuti rudzi rwavanhu vako vafirwe navanazve, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Handichakurega uchinzwa zvokushorwa namarudzi uye hauchazonyadziswa navanhu. Hauzokonzera rudzi rwako kuti rwugumburwe.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezekieri 36

Ezekieri 36:1-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino iwe, mŋanakomana womunhu, profita pamsoro pamakomo aIsraeri, uti: Imi makomo aIsraeri, inzwai shoko raJehova. Ɀanzi naShe Jehova: Muʋeŋgi wako ɀaakati pamsoro pako: Toko! ʋuye: Nɀimbo dzakakwirira dzekare inhaka yeɗu; naiɀoɀo profita, uti: Ɀanzi naShe Jehova: Nemhaka iyi, ɀaʋakakuitai ɗoŋgo, nokukumedzai kumatiʋi ose, kuti muʋe nhaka yamarudzi aʋanhu akasara, ɀamakarebga nemiromo yaʋanotaura, mukaitirwa makuhwa naʋanhu; naiɀoɀo, imi makomo aIsraeri, inzwai shoko raShe Jehova: Ɀanzi naShe Jehova kumakomo nokuɀikomo nokuhoʋa nokumipata nokunɀimbo dzakaparadzwa nokumaguta akasiyiwa, aʋa cinhu cinopambga necinosekwa namarudzi akasara anoapoteredza; naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Ɀirokwaɀo, ndakataura nomŋoto wegoɗo raŋgu pamsoro paʋakasara ʋamarudzi napamsoro peEdomi rose, iʋo ʋakaɀitorera nyika yaŋgu ʋaciti iʋe nhaka yaʋo, ʋaciŋgofara nomŋoyo waʋo wose ʋacishoʋora nemŋeya yaʋo, kuti ʋairashire kure ipambge. Naiɀoɀo profita pamsoro penyika yaIsraeri, uti kumakomo nokuɀikomo, nokuhoʋa nokumipata: Ɀanzi naShe Jehova: Tarirai ndakataura negoɗo raŋgu nokutsamŋa kwaŋgu, nokuti makashoʋorwa namarudzi; naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Ndakapika ndiciti: Ɀirokwaɀo marudzi anokupoteredza kwose, ndiwo acashoʋorwa. Asi imi, makomo aIsraeri, mucaɓuɗisa mataʋi enyu, nokuɓerekera ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri ɀiɓereko ɀenyu; nokuti ʋoɗo‐kuȿika. Nokuti tarirai, ndinemi, ndicatsaukira kwamuri, mucarimŋa nokudɀarwa; ndicawanza ʋanhu pamsoro pako, iyo imba yose yaIsraeri, iʋo ʋose; maguta acagarwa, namatoŋgo acaʋakwa; ndicawanza pamsoro penyu ʋanhu neɀipfuwo, ʋacawanda nokuɓereka; ndicagarisa ʋanhu mukati menyu, seɀamakaŋga makaita kare, nokukuitirai ɀakanaka ɀinopfuʋura ɀapakuʋamba kwenyu; ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova. Ɀirokwaɀo, ndicafambisa ʋanhu pamsoro penyu, iʋo ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri; ʋacakuita waʋo, ucaʋa nhaka yaʋo, kubva ɀino hauŋgazoʋatoreri ʋana ʋaʋo. Ɀanzi naShe Jehova: Ɀaʋanoti kwauri: Iwe uri nyika inopedza ʋanhu, wakatorera rudzi rwako ʋana; naiɀoɀo haucazopedzi ʋanhu, kana kuzotorera rudzi rwako ʋana — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova; handicazokunzwisi kunyadziswa kwamarudzi, hauŋgazoshoʋorwi naʋanhu, hauŋgazogumbusi rudzi rwake — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezekieri 36

Ezekieri 36:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)