Kutsinhira Mutemo 15:9-10
Kutsinhira Mutemo 15:9-10 SCLB
Chenjerera kuti urege kufunga zvakaipa mumwoyo mako uchiti, ‘Zvino gore rechinomwe, gore rokusazoreva chikwereti hero rosvika,’ woomesera mwoyo hama yako murombo uchimunyima. Achachema newe kuna Tenzi chikazova chitadzo kwauri. Mupe zvako wakasununguka usinganyunyuti mumwoyo mako pakumupa kwaunoita nokuti Tenzi Mwari wako anozokukomborera pabasa rako rose nezvose zvaunoti ndoita.

