Dhuteronomi 15:9-10
Dhuteronomi 15:9-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Muchenjerere kuti murege kuva nomufungo wakaipa uyu wokuti: “Gore rechinomwe, gore rokudzima zvikwereti, rava pedyo,” kuitira kuti murege kuratidza mwoyo wakaipa kuhama yenyu inoshayiwa nokurega kumupa chinhu. Iye achachema kuna Jehovha pamusoro penyu, uye imi muchabatwa nemhosva yokuita chivi. Upe zvakawanda uye urege kumupa nomwoyo unogununʼuna; ipapo nokuda kwechinhu ichi Jehovha Mwari wako achakuropafadza mumabasa ako ose uye pane chimwe nechimwe chaunobata noruoko rwako.
Dhuteronomi 15:9-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Chenjera kuti urege kufunga zvakaipa mumwoyo mako, uchiti, ‘Gore rechinomwe, iro gore resununguro, riri pedyo;’ iwe ukava nomufungo wakaipa kuhama yako, ukasamupa chinhu; iye akachema kuna Jehovha Mwari wako pamusoro pako, chikava chivi kwauri. Unofanira kumupa zvakanaka, mwoyo wako haufaniri kuva neshungu, kana uchimupa; nokuti nokuda kwechinhu ichi Jehovha Mwari wako uchakuropafadza pamabasa ako ose, napazvose zvaunobata namaoko ako.
Dhuteronomi 15:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chenjerera kuti urege kufunga zvakaipa mumwoyo mako uchiti, ‘Zvino gore rechinomwe, gore rokusazoreva chikwereti hero rosvika,’ woomesera mwoyo hama yako murombo uchimunyima. Achachema newe kuna Tenzi chikazova chitadzo kwauri. Mupe zvako wakasununguka usinganyunyuti mumwoyo mako pakumupa kwaunoita nokuti Tenzi Mwari wako anozokukomborera pabasa rako rose nezvose zvaunoti ndoita.
Dhuteronomi 15:9-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Cenjera kuti urege kufuŋga ɀakaipa mumŋoyo mako, uciti: Gore recinomŋe, iro gore resunuŋguro, riri pedyo; iwe ukaʋa nomufuŋgo wakaipa kuhama yako, ukasamupa cinhu; iye akacema kunaJehova Mŋari wako pamsoro pako, cikaʋa ciʋi kwauri. Unofanira kumupa ɀakanaka, mŋoyo wako haufaniri kuʋa neshuŋgu, kana ucimupa; nokuti nokuɗa kwecinhu ici Jehova Mŋari wako ucakuropafadza pamaɓasa ako ose, napaɀose ɀaunoɓata namaʋoko ako.
Dhuteronomi 15:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)