Mapisarema 62:6-8
Mapisarema 62:6-8 SNA2002
Ndiye oga dombo rangu noruponeso rwangu; Ndiye shongwe yangu yakakwirira; handingazununguswi. Kuna Mwari ndiko kunokuponeswa kwangu nokukudzwa kwangu; Dombo resimba rangu noutiziro hwangu zviri kuna Mwari. Vimbai naye nguva dzose, imi vanhu; Dururai mwoyo yenyu pamberi pake; Mwari ndiye utiziro hwedu.


