Mapisarema 62:6-8
Mapisarema 62:6-8 BDSC
Ndiye oga dombo rangu noruponeso rwangu; ndiye nhare yangu, handingazungunuswi. Ruponeso rwangu nokukudzwa kwangu zvinobva kuna Mwari; ndiye dombo rangu guru, noutiziro hwangu. Vimbai naye nguva dzose, imi vanhu; dururai mwoyo yenyu kwaari, nokuti Mwari ndiye utiziro hwedu. Sera


