Mapisarema 62:6-8
Mapisarema 62:6-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndiye oga dombo rangu noruponeso rwangu; ndiye nhare yangu, handingazungunuswi. Ruponeso rwangu nokukudzwa kwangu zvinobva kuna Mwari; ndiye dombo rangu guru, noutiziro hwangu. Vimbai naye nguva dzose, imi vanhu; dururai mwoyo yenyu kwaari, nokuti Mwari ndiye utiziro hwedu. Sera
Mapisarema 62:6-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndiye oga dombo rangu noruponeso rwangu; Ndiye shongwe yangu yakakwirira; handingazununguswi. Kuna Mwari ndiko kunokuponeswa kwangu nokukudzwa kwangu; Dombo resimba rangu noutiziro hwangu zviri kuna Mwari. Vimbai naye nguva dzose, imi vanhu; Dururai mwoyo yenyu pamberi pake; Mwari ndiye utiziro hwedu.
Mapisarema 62:6-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Iye chete ndiye dombo rangu noruponeso rwangu ndiye nhare yangu yokuzvidzivirira nayo muhondo handimbozungunutswa. Ruponeso rwangu nokuremekedzwa kwangu zvinobva kuna Mwari Mwari ndiye dombo rangu rakasimba nediziro rangu. Vimbai naye nguva dzose imi vanhu, turirai kwaari zvose zviri mumwoyo menyu Mwari ndiye diziro redu. Dzepfunde
Mapisarema 62:6-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndiye woga ɗombo raŋgu noruponeso rwaŋgu; Ndiye shoŋgwe yaŋgu yakakwirira; handiŋgazunuŋguswi. KunaMŋari ndiko kunokuponeswa kwaŋgu nokukudzwa kwaŋgu; Ƌombo resimba raŋgu noʋutiziro bgaŋgu ɀiri kunaMŋari. Ʋimbai naye ŋguʋa dzose, imi ʋanhu; Ƌururai mŋoyo yenyu pamberi pake; Mŋari ndiye ʋutiziro bgeɗu.
Mapisarema 62:6-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)