Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Petirosi 1:17-20

2 Petirosi 1:17-20 SNA2002

Nokuti iye akapiwa kukudzwa nokubwinya naMwari, Baba, panguva iya, yakauya izwi rakadai kwaari, richibva kukubwinya kukuru-kuru, richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu anodikanwa, wandinofarira.” Izwi iri takarinzwa isu, richibva kudenga, nguva yatakanga tinaye mugomo dzvene. Uye tine shoko rouporofita rakasimba kwazvo, ramunoita zvakanaka kana muchiriteerera, rakaita somwenje unovhenekera mune rima, kusvikira utonga huchitsvuka, nenyamasase ichibudira mwoyo yenyu; muchiziva pakutanga, kuti hakuna uporofita hworugwaro hunongodudzirwa nomunhu