ƲaRoma 11:26-29
ƲaRoma 11:26-29 SUB1949
naiɀoɀo rudzi rwose rwaʋaIsraeri rucaponeswa; seɀaɀakanyorwa ɀicinzi: PaZioni pacaɓuɗa Musunuŋguri; Ucabvisa kusaɗa‐Mŋari kunaJakobo; Iyi ndiyo suŋgano yaŋgu naʋo, Musi wandicabvisa ɀiʋi ɀaʋo. Kana iri Evaŋgeri, iʋo ʋaʋeŋgi ʋaMŋari nokuɗa kwenyu; asi kana kuri kusanaŋgurwa, ʋaɗikanwa nokuɗa kwamadziɓaɓa. Nokuti ɀipo ɀaMŋari nokuɗana kwake haɀishandurwi.

