Isaya 9:3-7
Isaya 9:3-7 SUB1949
Makawanza rudzi, makawedzera mufaro waʋo; ʋanofara pamberi penyu, sokufara kwaʋanhu paŋguʋa yokuceka, sokufara kwaʋanhu kana ʋacigoʋerana ɀakapambga. Nokuti makavuna joko raiʋaremedza, netȿimbo yairoʋa mafudzi aʋo, neshamhu yaʋaiʋamanikidza, sapamazuʋa aʋaMidiani. Nokuti shaŋgu imŋe neimŋe yomurwi, yakatsika nokutinhira, neŋguʋo yakanyikwa muropa, ɀicapiswa, ɀicaʋa sehuni dzomŋoto. Nokuti takaɀarirwa Mŋana, takapiwa Mŋanakomana; ʋumambo ʋucaʋa pafudzi rake; zita rake ricanzi: Unoshamisa, Gota, Mŋari unesimba, Ƃaɓa ʋokusiŋgaperi, Mucinda worugare. Kukura kwoʋumambo bgake nokworugare haɀinamugumo, agare pacigaro coʋushe caDavidi napaʋushe bgake, aʋusimbise aʋutsigire nokururamisira nokururama kubva ɀino kuȿikira paŋguʋa isiŋgaperi. Kushiŋgaira kwaJehova wehondo kucaɀiita.

