Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Petro 1:17-20

II Petro 1:17-20 SUB1949

Nokuti iye wakapiwa kukudzwa nokubginya naMŋari, Ƃaɓa, paŋguʋa iya, yakaʋuya inzwi rakaɗai kwaari, ricibva kukubginya kukuru‐kuru, riciti: Uyu ndiye Mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa, wandinofarira. Inzwi iri takarinzwa isu, ricibva kuɗeŋga, ŋguʋa yatakaŋga tinaye mugomo dɀene. Ʋuye tineshoko roʋuprofita rakasimba kwaɀo, ramunoita ɀakanaka kana muciriterera, rakaita somŋenje unovenekera munerima, kuȿikira ʋutoŋga bgucitȿuka, nenyamasase iciɓuɗira mŋoyo yenyu; muciziʋa pakutaŋga, kuti hakunoʋuprofita bgorugwaro bgunoŋgoɗudzirwa nomunhu

Verenga chikamu II Petro 1