Nokuti iye wakapiwa kukudzwa nokubginya naMŋari, Ƃaɓa, paŋguʋa iya, yakaʋuya inzwi rakaɗai kwaari, ricibva kukubginya kukuru‐kuru, riciti: Uyu ndiye Mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa, wandinofarira. Inzwi iri takarinzwa isu, ricibva kuɗeŋga, ŋguʋa yatakaŋga tinaye mugomo dɀene. Ʋuye tineshoko roʋuprofita rakasimba kwaɀo, ramunoita ɀakanaka kana muciriterera, rakaita somŋenje unovenekera munerima, kuȿikira ʋutoŋga bgucitȿuka, nenyamasase iciɓuɗira mŋoyo yenyu; muciziʋa pakutaŋga, kuti hakunoʋuprofita bgorugwaro bgunoŋgoɗudzirwa nomunhu
Verenga chikamu II Petro 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: II Petro 1:17-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo