1
Mabasa yoNhumwa 20:35
KoreKore Bible Translation
KBT
Pazvinhu zvese ndidokunangidzai kuti pakushanda kwakareko umwe munhu anofanira kubatsira vadorukutika, muchikumbuka mazvi yaIshe Jesu, manyairiro yaadoita, ‘Zvinomakomborero yadonyanya kana ukapereka panzvimbo yokutambira.’”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mabasa yoNhumwa 20:24
Asi handiverenge upenyu hwangu kuti ndohwomhando kana hudokosha kwandiri, ndinondoda kupedzisa hwendo hwangu basi noushumiri hwandidotambira kubva kunaIshe Jesu, kupa chapupu kunhau idonaka yonyasha dzaMwari.
3
Mabasa yoNhumwa 20:28
Zvichenjererei noboka rese, ramudoitiwa vatariri varene naMweya Mutsvene, kuti murise Kherekhe yaMwari yaadowana nogazi romwanakomana wache.
4
Mabasa yoNhumwa 20:32
Iye zvino ndinokuisai kunaMwari nokushoko ronyasha dzache, rinogona kukuvakhai nokukupasai nhaka pakati povese vadoitiwa vatsvene.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo