1
VaRoma 7:25
Shona BIBLE
SUB
Mwari ngaavongwe, naJesu Kristu, Ishe wedu. Naizvozvo nomurangariro ndinobatira Mwari, asi nenyama murairo wezvivi.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
VaRoma 7:18
Nokuti ndinoziva kuti mukati mangu, imo munyama yangu, hamugari chinhu chakanaka; nokuti kuda kuripo kwandiri, asi kuita zvakanaka hakupo.
3
VaRoma 7:19
Nokuti zvakanaka, zvandinoda, handizviiti; asi zvakaipa, zvandisingadi, ndizvo zvandinoita.
4
VaRoma 7:20
Zvino kana ndichiita zvandisingadi, handichini ndinozviita, asi zvivi zvinogara mandiri.
5
VaRoma 7:21-22
Naizvozvo ndinowana murairo uyu kuti kana ndichida kuita zvakanaka, zvakaipa zviripo kwandiri. Nokuti ndinofarira murairo waMwari nomunhu womukati
6
VaRoma 7:16
Zvino kana ndichiita zvandisingadi, ndinobvumira kuti murairo wakanaka