1
VaRoma 6:23
Shona BIBLE
SUB
Nokuti mubairo wezvivi ndirwo rufu; asi chipo chokungopiwa chaMwari ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu, Ishe wedu.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
VaRoma 6:14
Nokuti zvivi hazvingavi nesimba pamusoro penyu; nokuti hamuzi pasi pomurairo asi pasi penyasha.
3
VaRoma 6:4
Naizvozvo pakubhabhatidzwa takavigwa pamwechete naye murufu; kuti saiye Kristu akamutswa kuvakafa nokubwinya kwaBaba, saizvozvo nesuwo tifambe noupenyu hutsva.
4
VaRoma 6:13
uye musapa zvivi mitezo yenyu, kuti dzive nhumbi dzokuita zvisakarurama; asi muzvipe imi kuna Mwari, savanhu vakararama kuvakafa, nemitezo yenyu kuti dzive nhumbi dzokururama kuna Mwari.
5
VaRoma 6:6
tichiziva izvi, kuti munhu wedu wekare wakaroverwa pamuchinjikwa pamwechete naye, kuti muviri wezvivi ushaiswe simba, tirege kuzova varanda vezvivi
6
VaRoma 6:11
Saizvozvo nemiwo muzviti makafa kuzvivi, asi kuti muri vapenyu kuna Mwari, muna Kristu Jesu.
7
VaRoma 6:1-2
Zvino tichatiiko? Torambira muzvivi kuti nyasha dziwande here? Haisva! Isu takafa kuzvivi, tichagara seiko mukati mazvo?
8
VaRoma 6:16
Hamuzivi here, kuti uyo wamunozvipa kwaari kuti muve varanda vake kumuteerera, kuti muri varanda vaiye wamunoteerera; kana vezvivi zvinoisa kurufu, kana wokuteerera kunoisa kukururama?
9
VaRoma 6:17-18
Asi Mwari ngaavongwe, nokuti imi maiva varanda vezvivi, mukazoteerera nomwoyo rudzi urwu rwedzidziso yamakaiswa kwairi. Makasunungurwa pazvivi, mukava varanda vokururama.