1
VaRoma 4:20-21
Shona BIBLE
SUB
akatarira chipikirwa chaMwari, haana kunyunyuta nokusatenda, asi akasimbiswa pakutenda, akakudza Mwari, achiziva kwazvo, kuti icho chaakapikira, akanga ane simba rokuchiitawo.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
VaRoma 4:17
(sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Ndakakuita baba vamarudzi mazhinji”) pamberi paiye waakatenda, iye Mwari anopa vakafa upenyu, nokudana zvisipo sezvinenge zviripo.
3
VaRoma 4:25
iye akaiswa kurufu nokuda kwokudarika kwedu, akamutswa nokuda kwokururamiswa kwedu.
4
VaRoma 4:18
Akatenda netariro pasina tariro, kuti ave baba vamarudzi mazhinji, sezvakanga zvarehwa, zvichinzi, “Rudzi rwako ruchadaro.”
5
VaRoma 4:16
Saka ndezvokutenda, kuti, zvive zvenyasha; kuti chipikirwa chive nesimba kurudzi rwose; rusati ruri rwomurairo bedzi, asi norwokutenda kwaAbhurahamuwo, iye baba vedu tose
6
VaRoma 4:7-8
achiti, “Vakaropafadzwa vakaregererwa zvisakarurama zvavo, Navakafukidzirwa zvivi zvavo; Wakaropafadzwa munhu asinganzi naIshe ane zvivi.”
7
VaRoma 4:3
Nokuti Rugwaro runoti kudiniko? Runoti, “Abhurahamu akatenda Mwari, kukanzi kwaari ndiko kururama.”