1
VaRoma 3:23-24
Shona BIBLE
SUB
nokuti vose vakatadza, vakasasvika pakubwinya kwaMwari. Vanongoruramiswa nenyasha dzake nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
VaRoma 3:22
ndiko kururama kwaMwari kunouya nokutenda kuna Jesu Kristu kuna vose vanotenda; nokuti havasiyani
3
VaRoma 3:25-26
iye akagadzwa naMwari, kuti ave muyananiso nokutenda muropa rake, kuti kururama kwake kuratidzwe, nokuti zvivi zvakaitwa kare zvakaregerwa, Mwari achivaitira mwoyo murefu; kuti kururama kwake kuratidzwe nenguva ino, kuti arurama iye amene, uye aruramise uyo unotenda kuna Jesu.
4
VaRoma 3:20
Nokuti hakuna nyama ingaruramiswa pamberi pake namabasa omurairo; nokuti zvivi zvinoziviswa nomurairo.
5
VaRoma 3:10-12
sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Hakuna akarurama, kunyangwe nomumwe; Hakuna anonzwisisa, Hakuna anotsvaka Mwari; Vakatsauka vose, vakava vanhu vasina maturo, Hakuna anoita zvakanaka, kunyangwe nomumwechete
6
VaRoma 3:28
Naizvozvo tinoti, munhu anoruramiswa nokutenda kunze kwamabasa omurairo.
7
VaRoma 3:4
Haisva! Mwari ngaave wachokwadi, asi vanhu vose vave venhema; sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Kuti mururamiswe pamashoko enyu, Mukunde pakutonga kwenyu.”