1
Mabasa aVapostori 20:35
Shona BIBLE
SUB
Pazvinhu zvose ndakakuratidzai, kuti muchibata muchidai, munofanira kubatsira vasina simba, nokurangarira mashoko aIshe Jesu, sezvakataura amene achiti, ‘Kupa kuno mufaro chaiwo kupfuura kugamuchira.’ ”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mabasa aVapostori 20:24
Asi handina hanya noupenyu hwangu, handihudi, kuti ndipedze rwendo rwangu nebasa randakapiwa naIshe Jesu, rokupupura kwazvo Vhangeri yenyasha dzaMwari.
3
Mabasa aVapostori 20:28
Zvichenjerei imi, neboka rose ramakaitirwa vatariri varo naMweya Mutsvene, kuti mufudze Chechi yaMwari, yaakatenga neropa rake.
4
Mabasa aVapostori 20:32
“Zvino ndinokuisai kuna Ishe, neshoko renyasha dzake, iye ane simba rokukuvakisai, nokukupai nhaka pakati pavakaitwa vatsvene vose.