1
Mapisarema 112:7
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Haangatyi mashoko akaipa; mwoyo wake wakasimba, anovimba naJehovha.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mapisarema 112:1-2
Rumbidzai Jehovha. Akaropafadzwa munhu anotya Jehovha, anofarira mirayiro yake zvikuru. Vana vake vachava nesimba panyika; zvizvarwa zvavakarurama zvicharopafadzwa.
3
Mapisarema 112:8
Mwoyo wake wakachengetedzeka, haangatyi chinhu; pakupedzisira achatarira nokukunda kuvavengi vake.
4
Mapisarema 112:4
Kunyange murima akarurama anobudirwa nechiedza, iye munhu ane nyasha nengoni uye akarurama.
5
Mapisarema 112:5
Zvakanaka zvinouya kumunhu anopa zvizhinji uye anokweretesa pachena, anofambisa nzira dzake nokururamisira.
6
Mapisarema 112:6
Zvirokwazvo, haangatongozungunuswi; munhu akarurama acharangarirwa nokusingaperi.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo