1
Mako 9:23
Shona BIBLE
SUB
Jesu akati kwaari, “Kana iwe uchigona kutenda, zvose zvingaitika kuna anotenda.”
Харьцуулах
Mako 9:23 г судлах
2
Mako 9:24
Pakarepo baba vomwana vakachema, vachiti, “Ndinotenda, ndibatsirei pakusatenda kwangu.”
Mako 9:24 г судлах
3
Mako 9:28-29
Zvino akati apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari voga vachiti, “Isu takanga tisingagoni neiko kuubudisa?” Akati kwavari, “Rudzi urwu harungatongobudi, asi nokunyengetera.”
Mako 9:28-29 г судлах
4
Mako 9:50
“Munyu wakanaka; asi kana munyu usichavavi, mungaurunga neiko? Ivai nomunyu mukati menyu, mugare norugare pakati penyu.”
Mako 9:50 г судлах
5
Mako 9:37
“Ani naani anogamuchira mumwe wavaduku vakadai nezita rangu, anondigamuchireni; ani naani anondigamuchira ini, haagamuchiri ini, asi uya akandituma.”
Mako 9:37 г судлах
6
Mako 9:41
Nokuti ani naani anokunwisai mukombe wemvura muzita rangu, nemhaka yokuti muri vaKristu, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haana kurasikirwa nomubairo wake.
Mako 9:41 г судлах
7
Mako 9:42
“Ani naani anogumbusa mumwe wavaduku ava vanotenda kwandiri, zviri nani kwaari kuti guyo guru risungirirwe mumutsipa wake, akandirwe mugungwa.
Mako 9:42 г судлах
8
Mako 9:47
Kana ziso rako richikugumbusa, urirase; zviri nani kwauri kuti upinde muushe hwedenga une ziso rimwe, pakukandirwa muGehena, una meso maviri.
Mako 9:47 г судлах