1
Mako 5:34
Shona BIBLE
SUB
Akati kwaari, “Mukunda, kutenda kwako kwakuponesa; enda norugare, upore pakurwara kwako.”
Харьцуулах
Mako 5:34 г судлах
2
Mako 5:25-26
Zvino mumwe mukadzi aiva nokurwara kwokubuda ropa makore ane gumi namaviri, akanga aoneswa nhamo nevarapi vazhinji, akapedza zvose zvaakanga anazvo asina kutongobatsirwa, asi kungonyanyiswa
Mako 5:25-26 г судлах
3
Mako 5:29
Pakarepo tsime rake reropa rikapwa, akanzwa pamuviri wake kuti aporeswa pakurwara kwake.
Mako 5:29 г судлах
4
Mako 5:41
Akabata ruoko rwomwana, akati kwaari, “Tarita kumi!” Ndokuti, “Kana zvichishandurwa, Musikana, ndinoti kwauri, muka!”
Mako 5:41 г судлах
5
Mako 5:35-36
Akati achataura, vamwe veimba yomukuru wesinagoge vakasvika, vakati, “Mukunda wenyu afa; muchatambudzireiko Mudzidzisi?” Jesu akati achinzwa shoko rataurwa, akati kumukuru wesinagoge, “Usatya, tenda bedzi.”
Mako 5:35-36 г судлах
6
Mako 5:8-9
Nokuti akati kwaari, “Buda pamunhu, iwe mweya wakaipa!” Akamubvunza, akati, “Zita rako ndianiko?” Akati kwaari, “Ndinonzi Regioni, nokuti tiri vazhinji.”
Mako 5:8-9 г судлах