1
Mateu 7:7
Shona BIBLE
SUB
“Kumbira, muchapiwa; tsvakai muchawana; gogodzai, muchazarurirwa.
Харьцуулах
Mateu 7:7 г судлах
2
Mateu 7:8
“Nokuti mumwe nomumwe anokumbira anopiwa; anotsvaka anowana; anogogodza anozarurirwa.
Mateu 7:8 г судлах
3
Mateu 7:24
“Naizvozvo mumwe nomumwe anonzwa mashoko angu awa, akaaita, angafananidzwa nomurume akachenjera, akavaka imba yake paruware.
Mateu 7:24 г судлах
4
Mateu 7:12
“Saka zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitire nemiwo saizvozvo, nokuti ndiwo murairo navaporofita.
Mateu 7:12 г судлах
5
Mateu 7:14
Nokuti suwo rakamanikana, nenzira inhete, inoenda kuupenyu, uye vanoiwana vashoma.
Mateu 7:14 г судлах
6
Mateu 7:13
“Pindai nesuwo rakamanikana; nokuti suwo rakafara, nzira yakapamhamha, inoenda mukuparadzwa; vanopinda napo vazhinji.
Mateu 7:13 г судлах
7
Mateu 7:11
Zvino kana imi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kudenga vachapfuurisa seiko kupa zvinhu zvakanaka ivo vanokumbira kwaari!
Mateu 7:11 г судлах
8
Mateu 7:1-2
“Musatonga, kuti murege kutongwa; nokuti kutonga kwamunotonga nako, muchatongwa nako, nechiero chamunoera nacho, muchaerwa nacho.
Mateu 7:1-2 г судлах
9
Mateu 7:26
Mumwe nomumwe anonzwa mashoko angu awa, akasaaita, angafananidzwa nomurume benzi, akavaka imba yake pajecha.
Mateu 7:26 г судлах
10
Mateu 7:3-4
Unotarireiko kabanzu kari muziso rehama yako, asi hauoni danda riri muziso rako? Kana ungataura seiko kuhama yako, uchiti, ‘Rega, ndibvise kabanzu muziso rako,’ izvo danda riri muziso rako?
Mateu 7:3-4 г судлах
11
Mateu 7:15-16
“Chenjerai vaporofita venhema, vanouya kwamuri vane nguo dzamakwai, asi mukati ari mapere anoparadza. “Muchavaziva nezvibereko zvavo. Mazambiringa anombotanhwa paminzwa here, kana maonde parukato?
Mateu 7:15-16 г судлах
12
Mateu 7:17
Saka izvozvo muti mumwe nomumwe wakanaka unobereka michero yakanaka, asi muti wakaipa unobereka michero yakaipa.
Mateu 7:17 г судлах
13
Mateu 7:18
“Muti wakanaka haungabereki michero yakaipa, nomuti wakaipa haungabereki michero yakanaka.
Mateu 7:18 г судлах
14
Mateu 7:19
Muti mumwe nomumwe usingabereki michero yakanaka, unotemwa, ukakandirwa mumoto.
Mateu 7:19 г судлах